Mushonga mutsva weumhutu

Albo_Side2
Daphne Machiri

BAZI reutano nekurerwa zvakanaka kwevana rakaparura mushonga mutsva wekuuraya humhutu hunokonzera chirwere chemalaria unonzi Actellic. Mushonga uyu wakatotanga kushandiswa pasi pechirongwa chekufirita mudzimba kudunhu reManicaland. Pasi pechirongwa ichi, bazi iri riri kushanda nemasangano akasiyana, ayo anosanganisira Population Services International (PSI) neAfrica Indoor Residual Spraying (AIRS). District Medical Officer vekwaMutare, Mai Talent Maphosa, vanoti vakaona zvakakosha kuparura chirongwa ichi vachipa ruzhinji rweZimbabwe ruzivo maererano nechirwere chemalaria.

“Malaria chirwere chinouraya pasi rose naizvozvo zvakakosha kuti vanhu vagare vachiziva kuti chinodzivirirwa sei. Tine mushonga mutsva unouraya humhutu unonzi Actellic. Mushonga uyu unoitwa zvekufiritwa uye une huturu hunouraya mazai nemosquito nguva imwe chete,” vakadaro Mai Maphosa.

“Kuno kupurovhinzi yeManicaland takaita tsvakiridzo yechirwere chemalaria tichishandisa mushonga uyu, uyo wakawanikwa uriiwo wakakodzera kushandisa neveNational Malaria Control. “Kune mari inosvika US$4 miriyoni iyo ichashandiswa mutsvakiridzo pamwe nekurwisa chirwere chemalaria munyika,” vakadaro Mai Maphosa.

Vanoti kuManicaland, chirongwa ichi chakaitwa maMutare, kuNyanga, Mutasa nekuChimanimani.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×