‘Musangochema asi zvishandirei’

Muchaneta Chimuka 

PANGUVA iyo veruzhinji vari kuita sevanochema-chema nekuda kwematanho akatorwa neHurumende ekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, mumwe mudzimai anogara mumaAvenues, muguta reHarare, anoti bhizimisi rake rekuruka mhete nezvimwe riri kuendeka zvikuru apo ari kuzvishambadza pamadandemudande sepaFacebook neWhatsApp.

Bridget Mudota – uyo aimbova mutori wenhau – anoti hazvibatsire kuti veruzhinji vangochema nekuda kwematambudziko ari kukonzerwa neCovid-19, asi kuti vatore mukana uyu kusimudzira mabhindauko avo.

“Ndakatanga bhizimusi iri mumwedzi waKurume 2018 uye ndinoruka midziyo yemicheno semhete, chuma chemuhuro, chemuchiuno nemumakumbo, pakati pezvimwe. Bhizimusi iri ndakaritanga mushure mekunge ndasiya basa kwandaishanda ndokuenda kunofundira basa iri kwezuva rimwe chete,” anodaro.

Mudota anoenderera mberi achiti, “Ndakatanga ndichitengesera vanhu kumachechi asi iko zvino ndava nemakasitoma emuno neekunze kwenyika kubudirikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwemasaisai mukushambadza basa rangu. Munguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba, handimbooni shanduko yakanyanya nekuti basa rangu rinofamba zvikuru chero ndiri mumba zvekuti ndinotokaruka kunze kwadoka ndiri mushishi kutunga chuma changu vanhu vanotenga vachingodaidzira.” 

Mudota anoti gore rapera pakanyuka chirwere cheCovid-19, upenyu hwakambomuomera.

“Ndakambopinda panguva yakaoma apo vatengi vakanga vasisawanikwe nyore nekuti vaitofanira kusvika kumba kuti vazoona zvinhu zvandinogadzira asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, munhu wose aisungirwa kugara kumba kuti chisapararire.

“Saka nguva ino yechikamu cheLevel Four cheLockdown, ndiri kutoshandisa mukana uyu mukugadzira mhete dzakawanda ndichizvishambadza paFacbook neWhatsApp nekuti zvakakosha pane kuti vanhu vauye kuzoona zvigadzirwa zvangu,” anodaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×