Roja rakazvisungirira mumba

Kingstone Mapupu

MURUME wekuBindura anonzi akazvisungirira pamba paairoja nekuda kwechikonzero chisati chazivikanwa apo mutumbi wake wakazongowanikwa wakarembera mumba.

Assistant Inspector Naison Dhliwayo avo vakafanobata chigaro chemutaruriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central vanotsinhira nyaya iyi. Vanoti Mugove Badza (24) airoja panhamba 126 mumugwagwa waSojini Street mumusha weChipadze anonzi akawanikwa akazvisungirira nemusi wa14 Ndira.

Mugove anonzi akabva pamba pevabereki vake vanove vakavakidzana nepamba paairoja ndokuenda kumba kwake uko akasvikozvisungirira. 

“Mugove Badza akabva pamba pevabereki vake nenguva dza10 mangwanani achienda kwaairoja ndokusvikozvisungirira mumba umu. Mukoma wake, Kudakwashe Badza, akazoenda kumba uku achida kunomutarisa nenguva dza15:30 hours apo akazowana mutumbi wake wakarembera,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo. 

Kudakwashe anonzi akazotaurira muridzi wemba Mai Tecla Cheziya (42) avo vakazomhanya kunozivisa mapurisa eZRP Chiwaridzo. Mutumbi waMugove wakazoendeswa kuchipatara cheBindura Provincial Hospital kuti unoongororwa. 

“Ikurudziro yedu kuti vanhu vasafunge zvekuzviuraya kana pane zvinovanetsa, asi kuti vatsvage vanovabatsira vakaita semapurisa anodyidzana neruzhinji kana dzimwe hama, mafundisi nevamwe,” vanodaro.

Zvichakadai, Asst Insp Dhliwayo vanoti kune tsaona yakaitika mumugwagwa weHarare-Mukumbura, kuMadziva masikati emusi wa13 Ndira pakakuvara munhu mumwe chete zvakaipisisa. 

“Pane motokari yemhando yeNissan Sylphy yeruvara rwesirivha nenhamba pureti dzinoti ADD2947 yaityairwa naCrsipen Mazodze (52) anobva mudzimba dzemudurikidzwa dzeNandi, kuBindura uyo anonzi akatsika Garikai Jonga (65) wemubhuku raGaradziko kwaMambo Mutumba, kuMadziva,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo. 

Mutyairi wemotokari iyi anonzi aiva oga uye akaenda kurutivi rwemotokari dzaaipesana nadzo apo akazonotsika Jonga aiva achisunda bhara ari kunze kwemugwagwa. 

“Jonga akakuvara mumusoro, ndokutyoka gumbo rekuruboshwe nekukuvara zvakare ibvi uye akazoendeswa kuchipatara cheBindura uko ari kurapwa,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo. 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×