‘Musape mapurisa chiokomuhomwe’

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) okurudzira veruzhinji kuti vatevedze mitemo inodiwa pakutengesa zvipfuyo pamwe chete nekuzvifambisa kuenda kune dzimwe nzvimbo uye vosiyana nekatsika kekupa mapurisa chiokomuhomwe.

Kurudziro iri inotevera kuwanda kuri kuita nyaya dzekubiwa kwemombe.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector  Emmanuel Mahoko, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vashande pamwe chete nemapurisa mukurwisa kubiwa kwemombe.

“Magwaro ekufambiswa kwezvipfuyo anoitwa pachena nemapurisa uye pachiongororwa kuti nyakutengesa zvipfuyo ane magwaro ese here anoratidza kuti ndiye muridzi wemombe, mbudzi kana hwai. Anofanirwa kubudisa mabhuku ekudhibhi anoratidza zvakare kuti ndiye muridzi wezvipfuyo zviri kutengeswa kana kufambiswa,” vanodaro.

“Kubhadhara mapurisa pabasa rese iri rekuchenura zvipfuyo imhosva huru nekuti zvese izvi zvinoitwa pachena.”

Insp Mahoko vanoti zvipfuyo zvakakosha kuhupfumi hwenyika nokudaro ngazvichengetedzwe.

“Hakuna zvipfuyo zvinofanira kuurayiwa kana kutengeswa pasina magwaro anobvumidza kuita saizvozvo nekuti ndizvo zvinopa mikana yekuti mbavha dzinge dzichiba. Mbavha zhinji dziri kuuraya mombe dzichitengesa pamadiro nekuda kwekuti matanho akatarwa pamutemo haasi kutevedzerwa,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoti mushure meongororo kana pachinge paonekwa kuti zvipfuyo hazvina kubiwa, mupurisa anosaina gwaro rinodaidzwa kunzi ZRP Form 392 iro rinopa mvumo yekutengesa kana kufambisa zvipfuyo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *