Musapute fodya paruzhinji: Parirenyatwa

Dr Parirenyatwa
Dr Parirenyatwa

VANHU vanoputa fodya vanokurudzirwa kuti vasaputire panzvimbo dzinenge dziine veruzhinji sezvo zvichikanganisa utano hwevamwe uye imhosva kuita izvi.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, nguva yadarika kuHighfield, muguta reHarare pakuparurwa kwechirongwa chekurwisa kutengeswa kwezvinodhaka, cheIntenational Day Against Drug and Illicit Trafficking.

Chirongwa ichi chakaparurwa panguva iyo Zimbabwe ichangobva kubatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukupemberera zuva rekusaputa fodya, reWorld No Tobacco Day.

“Zvisinei kuti fodya icharamba ichirimwa munyika, kuputa fodya pajekerere hakukurudzirwe uye inotova mhosva kuiputa munzvimbo dzakaita semahotera.

“Matanho aya ari kutorwa kuitira kuti vanoputa fodya vasakanganise utano hwevamwe kuburikidza nekufema hutsi hwefodya,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

“Ticharamba tichiedza nepose patinogona kuti vanhu vave neruzivo rwakazara pamusoro pematambudziko anokonzerwa nekuputa fodya pajekerere.”

Vachitaurawo pachiitiko chimwe chete ichi, regional drug resistant TB advisor kusangano reWorld Health Organization (WHO), Dr Wilfred Nkhoma, vanoti vari kuita ongororo maringe nefodya – kutengeswa nekushambadzwa kwayo – nedonzvo rekuona kuti veruzhinji vari kuziviswa here pamusoro penjodzi yekuputa fodya.

“Fodya inokonzera zvirwere zvakaita serurindi (tuberculosis), kukanganisika kwemapapu nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro Dr Nkhoma.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *