Zim ichabatsira S. Sudan mukuvandudza dzidzo

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reSenate nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation wekuManicaland, Senator Shadreck Tongesai Chipanga.GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vane hurongwa hwekushanda pamwe chete nebazi rezvedzidzo rekunyika yeSouth Sudan mukuribatsira kuvandudza fundo pamwe nebvunzo dzavo.

Sen Chipanga vaida kuti gurukota iri ritsanangure mamiriro ezvinhu zvichitevera mashoko anoti vamwe vadzidzisi vemuZimbabwe vari kuenda kunoshandira kuSouth Sudan.

“Nyika yakazara nemashoko anoti kune varairidzi vechidiki nevakoti vari kutorwa kuti vanopinda mabasa kuSouth Sudan. Mungataure here pamusoro penyaya iyi uye mune chokwadi here chekuti vanhu vedu vanenge vakachengetedzeka pavanoenda kuSouth Sudan?” vakadaro Sen Chipanga.

Dr Dokora vanoti hachisi chokwadi kuti varairidzi vemuno vari kutorwa kuti vanopinda mabasa kuSouth Sudan.

“Chandiri kuziva ndechekuti tine hurongwa hwekushanda pamwe chete neSouth Sudan panyaya yekuvandudza dzidzo yeko pamwe nekusimbisa chikamu chavo chinoona nezvebvunzo. Ndizvo zvandiri kuziva,”

“Tinoda kushanda navo zvakare mukusimudzira ruzivo rwevatungamiriri vavo vezvikoro. Hurongwa uhu hausati hwabudirira kunyangwe zvazvo magwaro acho akafambiswa kuzvikamu zvose zveHurumende zvine chekuita nenyaya dzakadai.

“Pari zvino tasvika padanho rekuti tivakoke (vekuSouth Sudan) kuti tinyorerane pasi chibvumirano cheMOU (Memorandum of Understanding) kuitira kuti tiwirirane pane zvatingabatsirane,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti kana hurongwa uhu hukabudirira, vachange vachishanda nevaimbove vakuru vezvikoro avo vave pamudyandigere nevamwe vakuru vanoona nezvedzidzo kuti vabatsire mukupa ruzivo rwavo kune vekuSouth Sudan.

“Pane dzimwe nyika dzakati kuti dzavari kushanda nadzo dzinosanganisira Ethiopia, Sudan, Uganda neKenya. Vari kuzama kuti zvinhu zvavo zvive zvinoendeka saka vari kutiwo vanoda kushanda nesu,” vanodaro Dr Dokora.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *