‘Musatakure zvombo zvinokuvadza’

Kingstone Mapupu

MAPURISA anoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutakura zvombo zvinokuvadza senzira yekuchengetedza runyararo panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva kusvika mumwedzi waKurume gore rinouya.

Chief Superintendent Tsitsi Chikono vanova Officer Commanding Gokwe District vanoti chikamu cheSection 4 cheMaintanance of Peace and Order (Chapter 11:23) Act chinorambaidza kutakurwa kwezvombo zvinokuvadza neveruzhinji panguva dzinenge dzakatarwa.

Zvombo izvi zvinosanganisira rekeni, mabhemba, matemo, nduni, mapakatwa, mapfumo nedzimwe mhando dzemapanga akasiyana.

Chief Supt Chikono vanoti mutemo uyu uchange uchishanda kwemwedzi mitatu inotevera kubvira musi wa23 Zvita kusvika musi wa23 Kurume mugore ra2026.

Vanoti kune vanhu vachawanikwa vachityora mutemo uyu vanosungwa vobvisiswa faindi kana kuenda kujeri kwenguva inosvika mwedzi mitanhatu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *