Musatore zvinodhaka: SRC

Abel Ndooka
SANGANO reSports and Recreation Commission rokurudzira vatambi vakasiyana vari kukwikwidza kumaNational Youths Games kuChinhoyi kuti vasatore zvinodhaka zvisingatenderwi sezvo iyi iri mhosva uye zvichikanganisawo budiriro yamatarenda avo. Mitambo yemaNational Youths Games yakatanga svondo radarika musi weMugovera uye ari kufambira mberi pasi pedingindira rinokurudzira kusimudzirwa kweremangwana kuburikidza nemitambo (Sport for a healthy and productive Future).

Mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa, anoti vari kuita misangano nevatambi ava vachivadzidzisa kuipa kwakaita kutora zvinodhaka. “Mitambo inobatsira chaizvo kuumba ramangwana remutambi saka zvakakosha kuti adzidziswe zvakanaka nezvakashata.

“Svondo rino apo pachange pachiitwa mitambo yemayouths games pane masangano akasiyana achauya kuzokurukura nevatambi pamwe nevatungamiri vavo kuti vazodzidzisana huyipi hwekutora zvinodhaka izvo zviri kukanganisa mitambo pamwe nedzimwe nyaya dzakasiyana

“Tichagara pasi nemamaneja ezvikwata zvakasiyana nekuti tinoda kuti tironge ramangwana tichionesana zvinoda kugadziriswa takatarisana nemitambo iri kutambwa parizvino,” anodaro Nheweyembwa.

Vatambi havatenderwe kutora zvinodhaka zvakafanana nemishonga yema”anabolic steriods” yekusimbisa miviri iyo inoita kuti vave nesimba rakanyanya kudarika rinotarisirwa pamunhu anenge asina kushandisa mushonga uyu.

Mitambo iri kukwikwidzwa gore rino inosanganisira nhabvu, netball, handball, mujaho wekumhanya, basketball, tenesi, volleyball netsiva uye ichange ichitambirwa paAlaska Stadium, Manyame Primary, Lomagundi College nepaChinhoyi University of Technology.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *