‘Musatsimbirire matarenda evaimbi’

MUIMBI wemisambo yechitendero nenziyo dzechivanhu anoti vaimbi vakawanda vachiri kusimukira vari kusangana nedambudziko guru rekushaya rutsigirwo izvo zviri kudzosera shure budiriro yematarenda avo.

Thomson Menson (48) – uyo akabura dambarefu rake idzva rinonzi Tsotso – anoti vaimbi vachiri kusimukira vanoda kutsigirwa kuti vasvike pachidanho chine vamwe avo vava nemukurumbira.

Murume uyu anoti ave nemakore akawanda achishanyira nhepfenyuro dzakasiyana achida kuti varidze dzimwe dzenziyo dzake pasina chimuko.

“Sevaimbi vachiri kusimukira, tinobudirira bedzi nekushambadzwa kwemabasa edu zvino kana venhepfenyuro nevemapepanhau vakatsimbirira basa redu vachingobudisa revashoma vagara vaine mbiri ko isu mbiri yedu nehunyanzvi hwedu zvinozoonekwa nani? Tinoramba takarasirwa kudurunhuru zvisinei nekuti tine zvipo zvakakomba.

“Kuti tiwane vatsigiri nevanozoda kutengesa mimhanzi yedu hunge mabasa edu ayanikwa pachena,” anodaro.

Meson anoti akatanga kupinda mune zvemimhanzi mugore ra1996.

Dambarefu idzva remuimbi uyu rine nziyo nhanhatu dzinoti Chin’ai, Munogona, Mwana Ngaateerere, Taurai Chokwadi, Tsotso naChapedza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *