‘Musatungamidze mari pamberi murudo’

Abel Ndooka

MUIMBI weDendera ari kusimukira – Nixon Leonard – akaburitsa kambo katsva kanonzi Murandakadzi ako kanodzidzisa zvikuru kuti vanhu ngavasapinde murudo nekuda kwemari inenge ine mumwe asi kuti vakoshese rudo rwechokwadi.

Mazuva ano, kune vanhu, vangave madzimai kana varume chaivo, vanopinda murudo nekuda kwemari uye kana munhu wavanenge vachidanana naye mari yake ikapera vobva vamutiza.

Izvi Leonard anoti ndizvo zvakamutuma kukurudzira kuti vanhu kana vari murudo ngavamire vose panguva iyo zvinhu zvinenge zvakanaka kana kuoma.

“Tiri kuona mazuva ano dzimba zhinji hadzisi kugara kwenguva refu nekuti vamwe vanhu vave kukoshesa mari. Kana murume akaita mari anoteverwa nemadzimai akawanda asi kana asisina, kazhinji kacho hapana kana mumwechete zvake anomutevera.

“Ini dzidziso yandiri kuda kupa ndeyekuti panguva iyo zvakaoma mira nemudiwa wako nekuti mangwana zvinhu zvake pazvinozovhurika anomirawo newe, haambofe akakusiya.

“Muwanano ngatisatungamidze mari asi rudo rwechokwadi,” anodaro.

Leonard akapinda mune zvemhanzi achitevera matsimba ababa vake – Tongai Leonard – avo kare vaimboridza nechikwata cheMilanzi Brothers.

Anoti zvemhanzi zviri mumhuri saka iye ari kushanda kuti zita rake rigopfumbira kudarika zvakaitwa nababa vake.

“Baba vangu ndivo vakatanga nezvemhanzi, vakamboridza kare nechikwata chainzi Milanzi Brothers saka iniwo ndiri kutevera mumatsimba avo kuti  ndigokwanisa kusvika kure kwavasina kumbosvikawo ivo,” anodaro.

Parizvino Nixon ari mushishi kubika dambarefu idzva iro anoti achariparura mumwedzi inotevera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *