Mwanasikana (14) ashaikwa achienda kuchikoro

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga mwanasikana ane makore 14 ekuberekwa wekwaNgundu kwaChivi uyo akangoshaikwa nemusi wa6 Kurume gore rino achienda kuchikoro.
Inspector Kudakwashe Dhewa vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo vanoti Agnes Gwauya akashaikwa nemusi uyu nenguva dza6 mangwanani.
“Semapurisa eZRP, takabatana nemhuri neruzhinji rwekwaNgundu kuMasvingo, tiri kutsvaga mwanasikana wemakore 14 ekuberekwa anonzi Agnes Gwauya anobva mumusha waSabhuku Gwauya kwaMambo Nemauzhe kwaChivi uyo akangoshaikwa kusvika nanhasi haana kuonekwa,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti mwana uyu aiva akapfeka mbatya dzechikoro dzinosanganisira navy blue skirt, blue shirt nejuzi renavy blue.
“Musikana uyu mushava paganda rake uyewo tinoti vane ruzivo nekune mwana uyu ngavazivise chero mapurisa ari padyo navo. Vanogona zvekare kuzivisa Officer In-Charge Ngundu ZRP, Inspector Etwell Ngara, panhamba dzinoti 0782 384 927 ne0312370221 kana kutaura naInvestigating Officer (IO) Constable Fortunate Choto panhamba dzinoti 0774 648 286,” vanodaro Insp Dhewa.
Vanoti vari kushushikana zvikuru nekushaikwa kuri kuita vana mudunhu reMasvingo vachizotadza kuzivikanwa kuti vakaenda kupi.
“Tine nyaya dzevana vari kushaikwa mudunhu redu reMasvingo, zvikuru vana vechikoro inova nyaya yatine kushushikana nayo. Mugore ra2023, pane mwanasikana wemakore 13 anonzi Samantha Manyevere aigara kuRunyararo West achidzidza pachikoro cheVision Academy uyo akadzorerwa kumba nemukuru wechikoro wepo nekuda kwekuti akanga asina kubhadhara mari yechikoro achibva angoshaikwa zvachose kusvika nanhasi  haasati awanikwa. Tine dzimwe nyaya dzakadai dzakawanda mudunhu redu reMasvingo dzekushaikwa kwevana,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×