‘Musawore mwoyo nepairesi’

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Ziggie Humphrey Chakanyuka – anoti vaimbi havafanirwe kuwora mwoyo nekuda kwepairesi asi kuti varambe vakatsungirira mubasa ravo vachibura dzimwe mhanzi itsva.

Chakanyuka, uyo muindasitiri yemhanzi anozivikanwa saZiggie The Crusader, anoti zvakakosha kuti vaimbi varambe vachitsikisa mhanzi uye vasaneta nekuda kwepairesi sezvo basa ravo riri rekuparidza shoko rakanaka nekudzidzisa veruzhinji.

“Tinoona kazhinji vaimbi vachiita sekunge vaneta chaizvo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana asi chokwadi ndechekuti zvemhanzi zvinoda hushingi nekuti mubairo uchauya hawo mangwana.

“Tinobuda mari yakawanda tichibika mhanzi asi zvichirema, vamwe vachikohwa patinenge tarima isu uye ukazvitevedzera unopedzisira waramwa. Saka panguva yakadai ndipo paunofanirwa kuonekwa uchisimuka uchirakidza nyika yese kuti munyaya dzemhanzi wauya zvachose uye hausi kudzokera shure,” anodaro.

“Basa redu kuparidza shoko saka ngatisaneta kushumira uye kuparidza shoko kuburikidza nemagitare,” anodaro Chakanyuka.

Kubvira muchinda uyu apo akatanga kuita zvemimhanzi, akwanisa kuparura madambarefu mashanu anoti Holy Ghost Naked Wire, Rock n Roll for Jesus, We Lead they Follow (Tiri vemberi), Vavengi Vekurebwa Mushwe naAnandimenyera Pankondo iro riri kunetsa zvikuru nekuimbwa mumakereke akasiyana munyika muno.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×