Musha wonaya matombo anobva mumhepo

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuDzivaresekwa Extension Phase 1, muHarare, inoti yaona nhamo nekutemwa nematombo anobva mumhepo, izvo zviri kukonzera kuparadzika kwemba yavo pamwe chete nemidziyo.

Dambudziko iri rakatarisana nemhuri yaVaEdward Tayengwa (55) nemudzimai wavo Mai Kanganwirai Magombedze (47).

Mai Magombedze vanoti manenji aya akatanga muna Kurume gore rino apo pamba pavo pakapotserwa matombo usiku, asi vasingaoni aikanda wacho. Vanoti vaingonzwa ruzha pamusoro pemba nemumahwindo.

“Imba iyi takaivaka nemurume wangu tawana sitendi ino mugore ra2002. Takaivaka kubva pasi kusvika tapedza. Kubva ipapo, hatina kumbobvira taita dambudziko kusvikira mumwedzi waKurume gore rino, apo pakatanga kunaya matombo pamba pedu,” vanodaro Mai Magombedze.

Vanoti kunze kwevana, vanogarawo navamwene vavo, amai vemurume, Gogo Ednah Gambiza (95), avo vasvitsa makore maviri vabva kumusha kwavo kuHwedza.

“Matombo aya anopotserwa pakati pousiku kana mambakwedza. Tinozongonzwa kurira marata pamusoro, mahwindo achitsemuka. Panotanga kupotserwa matombo aya, tinoridza mhere nekushevedzera vavakidzani apo tinomuka, totenderera musha wose nevamwe asi hapana chatinoona,” vanodaro Mai Magombedze.

“Taimbofunga kuti imbavha asi patinomuka hapana munhu watinoona, izvo zvave kuita kuti tifunge kuti varoyi kana kuti manyin’inya kana mamwewo masaramusi. Vamwewo vanhu vanofungira kuti zvipoko asi hapana chatinoona,” vanodaro Mai Magombedze.

Vanoti pakatanga dambudziko iri paive pakati pousiku, apo pakapotserwa dombo, rikaboora asbestos muimba yekutandarira.

“Kubvira ipapo, matombo aya ari kungopotserwa mumazuva akasiyana-siyana, achipwanya mahwindo, izvo zvakonzera kuti tigare mudzimba dzisina mahwindo. Izvozvi mahwindo matatu akapwanywa. Tave kutovhara maburi nemarata mukati kuti mhepo isapinde,” vanodaro Mai Magombedze.

Vanoti nomusi wa19 Kubvumbi, matombo aya akakandwa zvine simba, kuita zvekunaya musha wose, apo vakamuka nevavakidzani kunotarisa panze asi hapana chavakaona.

“Nomusi uyu, matombo aya akatanga kukandwa nenguva dza3 mangwanani, akatema mahwindo maviri, ose akaparara. Nhasi chaiye (Chitatu svondo rapera) matombo aya apotserwa kuma4 mangwanani,” vanodaro Mai Magombedze.

Vanoti vaimboshevedzera kuvavakidzani, vachifunga kuti dzaive mbavha asi vakazoona kuti aive masaramusi.

“Pane chidhinha chizere chakazopinda kamwe chete, chikatsemura hwindo uye chikawira mumupanda wekutandarira. Ndakanochibata, ndokuchisimudza, ruoko rwangu rwekurudyi rwukarira. Rwakatanga kubanda ipapo. Ndakazotanga kuisa mushonga kwemazuva kusvikira rwave kurwadza zvishoma izvozvi, asi chidhinha chacho takachichengeta,” vanodaro Mai Magombedze.

Vanoti, semhuri, havasi kuziva kuti dambudziko iri rinobva kupi, nokudaro vari kutsvaga kubatsirwa nevoruzhinji.

“Imba yedu ine mipanda mishanu, umo tinorara makasiyana-siyana. Kunoti vana kwavo, ambuya vachirara mavo. Tave kugara tichitya kuti vamwe vedu vanogona kutemwa nematombo aya usiku vakarara, mumwe akafa kana kukuvadzwa,” vanodaro Mai Magombedze.

Vanoti usiku vave kutya kubuda panze kunoshandisa chimbuzi kana kufamba vachienda kumwewo.

Mashoko avo anotsinhirwa naGogo Gambiza, vachiti dambudziko rekupotserwa kwematombo iri raunza kutya kukuru kumhuri yavo.

“Ini handioni asi panotanga kupotserwa matombo aya ndinonzwa ruzha, ndobva ndamuka, ndave kutyira muroora nemwana wangu uye vazukuru kuti vanokuvadzwa nematombo aya. Kubva ndichizvarwa handina kumbobvira ndaona zvakadai. Tinoda kubatsirwa,” vanodaro Gogo Gambiza.

Vanoti mhuri yavo haina vavakidzani vainonetsana navo.

“Hamheno, tave kungofungirawo kuti varoyi vari kuita izvi kana kuti zvidhoma, kanawo zvipoko. Asi pano hapana nhoroondo yedambudziko rakadai,” vanodaro Gogo Gambiza.

Kunze kwekupotserwa kwematombo pamba, vanoti vanonzwa mitsindo panze yevanhu vanofamba asi hapana vavanoona.

Mhuri iyi inobva kwaSvosve, kuHwedza, uye inoti kumusha kwavo hakuna chakaipa chiriko chinofambirana nezviri kuitika izvi.

Zvakadai, nokuda kwechikonzero chekupotserwa kwemusha uyu nematombo, hapana kana roja rimwe chete zvaro sezvo vanhu vanotya kugarapo.

Baba vepamba apa, VaTayengwa, vakawanikwa vasipo pakashanyirwa mhuri iyi nomusi weChitatu svondo rakapera.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Associatio (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, vanoti pamba apa pane hushereketwa nemhiko dziripo dzinogona kunge dzakaiswa naivo varidzi vemba kana kuti nevavengi.

“Mhuri iyi inoda kubatsirwa nenguva. Panogona kunge paine mweya yevafi inomuka zvipoko, paine makuva, kana kuti paine hurombwa mudzinza mavo, kana mishonga yakapanduka yekutsvaga mari nezvimwewo zvakasiyana-siyana pachivanhu,” vanodaro VaKandiyero.

Related Posts

Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV

Muchaneta Chimuka  HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu. Lenacapavir…

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×