‘Mushandi’ weZesa akairasa

MURUME wekuChitungwiza wekuzama noto nekufamba achinyepera kuve mushandi wekambani yeZESA Holdings achidzimira vanhu vane zvikwereti magetsi kana kuvabhadharisa mari yekuti asavadzimire akaigochera pautsi apo akabatwa nemhosva mudare ndokutongerwa kunofondoka pasina mubhadharo.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare reChitungwiza Magistrates Courts kuti nomusi wa8 Kukadzi gore rino, kambani yeZESA Holdings yakatambira mashoko aiti Maxwell Ramushi (30) wepanhamba 8983 Unit K, kuChitungwiza, aifamba achinyepera kuve mushandi weZETDC inove chimwe chikamu chekambani iyi. Ramushi aishandisa magwaro ekudzima magetsi ekuZEDTC emanyepo achibhadharisa US$15 paimba yoga-yoga kune vaive nezvikwereti ozoshandisa zvipanera zvake kuabatidza zvakare. Zvipanera zvaaishandisa zvakatorwa nemapurisa uye zvakaburitswa mudare seumboo. Mutongi Takundwa Mtetwa akapa Ramushi chirango chekugara mujeri kwegore ndokuzomubvisira mwedzi misere pachirango ichi nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka kwemaawa 280 paSt Mary’s Police Station.

Mimwe mwedzi yakange yasara yakasendekwa padivi paine chitsiidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu zvakare mukati memakore mashanu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *