Musikana wekumera hohwa ava nemwana

MUSIKANA wechidiki wemuHarare, uyo wekubuda muKwayedza masvondo maviri adarika achipupura kuti anoita zvechipfambi izvo zvava kuita kuti amere zvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha nemumwe murume waasingazive, anonzi akasununguka mwana mukomana mazuva mashoma adarika.

Paakatanga kubuda mubepanhau rino, Tarisai Batoni (20), wepanhamba 4809 Glen Norah A, aiva nepamuviri paaiti haazive muridzi wapo.

Tarisai inherera, izvo zvaanoti ndizvo zvakamuita kuti aite zvechipfambi.

Tete vake, Mai Elby Batoni, pavakataurwa navo panhare svondo rapera vakati muzukuru wavo akasununguka mwana mukomana.

“Tarisai akaenda kuchipatara cheHarare (Central Hospital) uko akazonovhiiwa akabatsirwa nemwana mukomana uye ari pano pamba. Dambudziko ravapo kuti tiwane mukaka wemwana mucheche uyu.

“Hurwere hwake (Tarisai) ndihwo huri kumutambudza, hwemapundu ari kusikarudzi. Vekuchipatara cheHarare vakati azodzoka kana maronda ekuvhiiwa apora,” vakadaro.

Mai Baton vaiti vaitoronga kunoona gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, avo vakavimbisa nguva yadarika kuti vanoda kubatsira musikana uyu.

Mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vakavimbisawo kuti vakazvipira kubatsira Tarisai padambudziko rake.

Tarisai anoti akatanga kumera zvinhu zvinenge hohwa mushure mekushinha nemumwe murume wekuSouth Africa uyo anofungirwa kuti akamushandisira mishonga yakaipa.

Asi vezveutano vanoti Tarisai ane mhopo, dzinogona kukonzerwa nehosha dzepabonde.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×