ARSENE Wenger anoti David Ospina akazvipira kurwira kuve mubati wepagedhi weArsenal wekutanga. Ospina, uyo anove chizvarwa chekuColombia, agara ari muchikwata ichi kubva mwaka wadarika muPremier League uye ange ari pamusoro pevamwe vabati vepagedhi vanobata bhora zvinonwisa mvura.
Mutambi uyu mwaka uno ari kugara pabhenji zvichitevera kudzoka kwaakaita kubva kumutambo weCopa America asi Wenger anoziva kuti ane tarenda rinokwanisa kuti akwikwidze naPetr Cech kuti apinde muchikwata ichi.
“Ari kuzvigamuchira zvakanaka,” akadaro achitaura neArsenal Player. “David Ospina murume akasimba uye mubati wepagedhi anogona. Akazvipira kurwa zvakasimba uye achapa Petr Cech nguva yakaoma. Pachave nenguva yakakura yekuti atambe mitambo yakawanda uye dzimwe nguva kutotamba pazvinenge zvakaoma.“Chii chinomutadzisa kuhwina jezi rake remuchikwata? Ndozvaari, kutambira nhabvu uye ndinoziva kuti acharwira kudzoka muchikwata chedu”. — Arsenal.com




