Musoro webhuku Pafunge unobuda . . . Baba kumitisa mwana wavo?

CHITSAUKO 23 (Ongororo):

Umboo hwefiro yaJoe hunoonekwa huchipokana. Tinotanga kunzwa papeji 110 zvichinzi, “Vamwe vachiti kwete, akanga afa nechirwere chemoyo, vamwewo vachiti muviri wake wakanga wapera simba nokungogarodutira hwahwa pasina chaadya.”

Papeji 112 tinozonzwazve nezve kupokana uku. Tinonzwa mutongi achiti, “Izvi zvinoreva kuti pano kupokana kuti Joe akafa namapiritsi awakanga wamupa. Asizve kana tanatsoongorora firo yemurume uyu, tinoona kuti zvingangodaro zvakaitika kuti mapiritsi ndiwo akamuuraya.

‘‘Ndinodaro nokuti dai chakanga chiri chirwere chemoyo chakadini kumuuraya imwe nguva zvayo?

Akazofirei mushure mokunge wamupa mapiritsi okukotsirisa? Ko, dai chiri chikonzero chokuti Joe akafa pamusana pechiropa chake chakange chasviba, akadii kufa neimwewo nguva?” (112-113).

Kupokana uku ndiko kunoita kuti Rudo asawanikwa aine mhosva ndokusaka mutongi achiti, ‘‘Asi pamusana pokuti pano kupokana maererano nechikonzero chaicho chakaita kuti Joe afe, chirango chako chinova chidiki” (113). Zvimwe zvinobatsira kuti chirango ichi chive chidiki ndezvokuti mutongi anoona kuti Rudo akarasikirwa zvikuru pamusana pepamuviri pake pakapfuudzika uyewo Rudo aive achiri mwana mudiki.

Dingindira riya rokuti vatadzi kana vaye vapomerwa mhosva vanorangwa, vasina vachisiiwa vakadaro (poetic justice) rinonyatsobuda muchitsauko ichi varapi vemhosva vana Masango nechikwata chake chose vanotongwa ndokupihwa mwedzi yakawanda yekugara mujeri, Rudo uyo ainge asina kupara mhosva achipihwa mutongo wokuregerwa achienda zvake semunhu akasununguka.

Zvinoitika muupenyu zvinoda kufungwa nezvazvo.

Apa ndipo patinoona pachibuda musoro webhuku iri, “Pafunge”. Tinotanga nekunzwa Winnie achitaurira vachimutyira kwazvo kuti mutongi achati kudini. Tinozonzwazve munhukadzi uyu achienderera mberi achiti Rudo ngaazvifunge kuti iye nemurume wake vainge vapa mwanasikana wavo zita rokuti Rudo semuyeuchidzo weushamwari hwavo.

Kune muverengi ndinoti pafungewo kuti baba vanomitisa mwanasikana wavo! Pafunge kuti chinhu chakadai chaitika!

Tinoona kushandiswa kwesiyaniso (contrast). Izvi tinonyatsozviona papeji 114. Ngationgororei zvinotaurwa izvi: “Pandakasvika muGwelo ndakabvunza vanhu kuti munozivawo here murume anonzi Joe Rug mutungamiriri wesvondo vakati Joe wavaiziva raive tsotsi ramakoko”.

Kudimikira kwakati wandei tinokuona papeji 114.

Rudo ainge apinda mumatambudziko makuru asi ainge apona kubva maari, izvo zvinodimikirwa nemunyori achiti, “Akanga apunyuka mumukamwa mamapere.”

Vana Winnie pavainge vari mudare vachiteerera kutongwa kwaitwa nyaya, hana dzavo dzainge dzisina kugadzikana vachityira Rudo zvikuru kuti mutongi aizoti kudini, izvo Rudo anodimikira achiti, “. . . tose tanga tangobatira moyo muzvanza” (114).

Mufundisi anoti Rudo zvaainge aita izvi kwainge kuri kuzvipinza mumatambudziko makuru izvo vanoti, “Wakanga wazvipinza mukanwa meshumba” (114). Enzaniso mbiri tinodzinhongawo papeji 111 “somusvondo muri kunamatwa”, na“sehuku yadzipwa nechibage chinopisa”.

MAGUMO

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×