Kasika kuona chiremba: Dr Moyo

CHAMANGWIZA weChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti kune zvizvirwere zvakasiyana zvinogona kuita kuti vanhu vakundikane kuita vana.

“Tinokurudzira vanhu kuti kana vachinge vawirwa nedambudziko rembereko vakasike kuona machiremba kuti vavhenekwe nekubatsirwa nguva ichiripo. Kune zvirwere zvinogona kupinda mumachubhu echibereko zvakadai se’endometriosis’ kana kuti ‘tubal blockage’ apo panenge pachida kuti munhu ange achiviiwa.

“Zvizhinji zvacho zvinozivikanwa kana munhu achinge avhenekwa kuti zvinogadzirisika here kana kuti kwete,” vanodaro Dr Moyo.

Mai Talent Jimo, avo vanove mukuru kusangano reKatswe Sistahood, vanoti kune madzimai akawanda ari kushungurudzwa mudzimba nekuda kwekutadza kubata pamuviri.

“Mamwe madzimai anorambwa, kurohwa, kutukwa nekuda kwekuti vanenge vatadza kubata pamuviri. Dambudziko rekusabata pamuviri iri kazhinji kacho rinowanzopomerwa kumadzimai kudarika kuvarume. Ndicho chikonzero muchizoona madzimai akawanda achionekwa ari kudzin’anga nemaporofita achitsvaga kuuchikwa nekuti ndivo vanenge vari kunenedzerwa mhosva yekusazvara.

“Kumaporofita ikoko tinoona mamwe madzimai achipedzisira abatwa chibharo vachinzi ndiyo nzira yekuuchika, voita mimba dzemaporofita,” vanodaro Mai Jimo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×