Mutambi Takaidza otarisa mberi

Abel Ndooka
SHASHA yenetball inotambira maGems uye neOlympic Dam yekuAustralia – Joice Takaidza – anoti vatambi vemutambo uyu vemuno vanofanirwa kuzvibata kana vachida kusvika kure.

Takaidza – uyo anove mumwe wevatambi vemaGems vakaita rombo rakanaka rekuwana mukana wekutambira kunze kwenyika pamwechete naAdelaide Thandeka Muskwe uyo anotambira Seven Stars yekuEngland – anoti kuzvibata kwakakosha zvikuru mumutambo uyu.

“Kuzvibata kunodiwa, hapana kwaunoenda kana usina kuzvibata uye zvese zvinotariswa kwese kwaunoenda kunogadzirira mitambo.

“Saka ndinoti kune vamwe vatambi vemaGems rambai muchizvibata muchiziva basa renyu,” anodaro Takaidza.

Shasha iyi ichatanga kutamba netball, yakambotambira zvikwata zvinosanganisira Gathsmine, Renaissance neZDF Queens uye nechikwata chenyika ichi.

Asi akazosiya mutambo uyu paakaenda kunogara kunyika yeAustralia nemurume wake uko akange awana basa. Takaidza anoti aive asingade zvekuramba achitamba netball asi murume wake ndiye akazotaurira vanhu kubasa kwake kuti mudzimai wake inyanzvi chaiyo yemutambo uyu zvakazoita kuti atange kutamba zvakare.

“Pandakaenda kuAustralia, ndakamboda kuhwanda ndisingade kuzivikanwa kuti ndinotamba netball asi murume wangu ndiye akazoudza vanhu kubasa kwake kuti ndaitambira nyika yangu, ndokutanga kudzoka kwandakaita mumutambo uyu. Mwanasikana wangu ane makore 11 okuberekwa anonzi Tatenda akatanga kurakidzawo rudo rwemutambo uyu saka ndakaona kuti ndinofanirwa kuramba ndichitamba uye ndichimudzidzisawo kuti asimukire.

“Zvinonakidza kuti auye achindiona ndichitamba uye iniwo ndoenda kunomuonawo achitamba, kuAustralia anotamba netball nebasketball. Ishasha muchikwata cheAustralia Under-13 chebasketball apa iye ane makore 11 chete ekuberekwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Shuviro yangu kuti nditambe imwe World Cup uye ndiri kuzozviita mugore ra2023 nekuti ndichiri kuzvinzwa kuti zvichirimo mandiri. Kunze uku kwanaka kutambira nekuti pakaita mutemo mutsva unenge wauya ndimi munotanga kuziviswa kana kudzidziswa nezvazvo saka kunotibatsira kukura sevatambi. Saka ndinoti kune vamwe vemaGems shandai nesimba mugouya kuzotambirawo kunze kwenyika nekuti kunokubatsirai kukura sevatambi.”

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×