Mutambi wenetball oita zve‘fuel’

Abel Ndooka

Mutambi wenetball wechikwata chenyika chemaGems Ursula Ndlovu anoti mutambo uyu wamuvhurira mikana yakawanda muhupenyu hwake izvo zvakaona achipinzwa basa neimwe kambani inotengesa mafuta ezvifambiso.

Ndlovu, uyo anove mumwe wevatambi vemaGems vakanetsa zvikuru kumakwikwi eVitality World Cup gore radarika kuLiverpool, ave kutambira Glow Petroleum Queens iyo yakabva yamupa basa rekushanda pane imwe service station kuArdbennie muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, Ndlovu anoti hupenyu hwake huri kugara huchishanduka kuburikidza nenetball.

“Zvinhu zvinofadza kuona kuti kune vanokoshesa isu vanhukadzi vari mune zvemitambo. Kusimudza kwatakaita mureza wenyika ini kwandibatsira zvikuru nekuti zvandivhurira mikana yakasiyana.

“Ndave kuenda kubasa uye hupenyu hwangu hwave kushanduka. Hazvirevi kuti handichatamba netball kwete nekuti ndiri kuita zvese sezvo netball ndiyo yakandiwanisa basa iri,” anodaro.

Ndlovu anoenderera mberi achiti, “Ini ndakakura ndiri munhu akashinga, ndinofarira kuita mabasa akawanda saka kwandiri zviri nyore kuita zvose kuenda kubasa uye nekutamba netball. Kubva Muvhuro ndinenge ndiri kubasa kusvika musi weChitatu ndozoti Chitatu ndapedza basa ndotopinda munzira kuenda kuKwekwe kunopinda mukembi nevamwe ndipo patinoita gadziriro dzedu dzemutambo wesvondo iroro.

“Ndiri kufara hangu chaizvo nekuti zvinofadza kuti madzimai kunyaya vari mune zvemitambo tiri kuwaniswa mikana yakasiyana uye tiri kuremekedzwa mabasa edu atinenge takaita,” anodaro Ndlovu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *