Mutambo wecricket weNPL wadzoka

Abel Ndooka

MWAKA mutsva wecricket weNational Premier League (NPL) wakavamba svondo radarika apo shasha ya2024, Takashinga Patriots 1, yakatanga nekuzvambaradza Queens Sports Club ne134 runs kuKwekwe Sports  Club.

Gore rino, mutambo uyu uchange uchikwikwidzwa nezvikwata 14, uye NPL yakatambira zvikwata zvitsva zvishanu zvinoti Chiredzi Cricket Club, Methane Lions, Eastern Titans, Alex Sports Club neAmakhosi 2.

Zvikwata zvose zvichatamba mitambo 91 murwendo urwu, zvichirwira kubvuta mukombe weNPL kubva kuTakashinga Patriots 1.

Mune mimwe mitambo yakatora nzvimbo svondo radarika, chikwata cheWestside — icho chakapedza chiri pechipiri mwaka wadarika — chakakundwa ne59 runs neTakashinga Patriots 2 kuOld Hararians. Nerimwe divi, chikwata cheRangers chakakunda cheMbizo ne172 runs pamutambo wakatambirwa kuKwekwe Sports Club.

Zvichakadaro, mutambo wechipiri weTest match pakati pechikwata chenyika chemaChevrons neNew Zealand wakatanga musi weChina svondo rino uye unotarisirwa kuzopera musi wa11 Nyamavhuvhu.

Mutambo wekutanga, uyo wakatambirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo, maChevrons akakundwa ne9 wickets.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×