Mutambo wotsvuka ropa

. . . zvikwata zvorwira kuenda pamusoro

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino kunhandare dzakasiyana dzenyika apo mitambo yemuCastle Lager Premier Soccer League yatsvuka ropa sezvo zvikwata zvakasiyana zviri kurwirwa kuenda pamusoro pelog.Nerimwewo divi zvimwe zvikwata zvakaita seBorder Strikers, Tsholotsho neMutare City zviri kuita maminimini ekuti zvisaburitswe muligi iri.

FC Platinum vs CAPS United

Murairidzi weFC Platinum Norman Mapeza anoti simbi inorohwa ichapisa uye chikwata chake chinotofanirwa kuhwina mitambo yacho yose kuti chiwane mukana wekurwira mukombe wePSL mwaka uno. Mapeza anoti mitambo yePSL painozosvika kuvhiki rechi20 kunenge kwave kurema saka ino ndiyo nguva yekugara vatora zvibodzwa zvose.

Norman Mapeza
Norman Mapeza

“Simbi inorohwa ichapisa, ino ndiyo nguva yekugara tatotora zvibodzwa zvose kana tichida kuti zvitinakire pamberi apo.

“Tinoziva kuti kana tati fambei nemitambo ndipo patinotanga kuona varume chaivo, vamwe vave kusara vamwe vachienda,” anodaro Mapeza.

Svondo rino Platinum ichange iri pamusha apo ichasangana neCAPS ‘Makepekepe’ United iyo yakarasa mukana wekuenda pamusoro pelog zvichitevera kuita mangange kwayakaita neHwange 1-1 kunhandare yeRufaro Stadium.

Lloyd Chitembwe, murairidzi weCAPS United, svondo rega-rega anogara achipararidza kuti anopa rukudzo kune zvimwe zvikwata zvaanosangana nazvo achiti hapana chinonzi chihombe nechidiki nekudaro zvose zvinofanirwa kungwarirwa.0607-3-1-LLOYD CHITEMBWE

Svondo rino chikwata chake chinofanirwa kutokunya zvakasimba apo chiri kusangana neFC Platinum.

Kubva mumitambo 10 yatambwa nezvikwata zviviri izvi, CAPS United yakahwina kana FC Platinum ikakunda kamwe chete ndokuita mangange kashanu.

Dynamos vs Border Strikers

Kunyangwe hake Lloyd Mutasa achiramba kuti DeMbare haisi kurwira mukombe wePSL, chikwata chake chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvachiona chichihwina mitambo mina yakatevedzana zvekuti chasimuka palog ndokugara pechishanu. Masvondo adarika, vatsigiri vezvimwe zvikwata vaiseka vachiti DeMbare yaparara asi iye zvino vave kubatira hana mumawoko nekuti yave kufema moto.

Lloyd Mutasa
Lloyd Mutasa

Svondo rino DeMbare iri pamusha payo paRufaro Stadium apo ichasangana neBorder Strikers.

Highlanders vs Triangle United

Bosso yakambovhomoka mwaka uchitanga wePSL asi kukundwa kwayakaitwa svondo radarika mumutambo weBulawayo Derby neChicken Inn kwakaidzosera kumashure zvakanyanya.

Chikwata chaElroy Akbay ichi change chiri kutamba nhabvu inodakadza nekudaro  chinofanirwa kukunda Triangle United kuti chirambe chiri pakati pezviri kutungamira muPSL.

Elroy Akbay
Elroy Akbay

 

Mitambo:

Mugovera

 FC Platinum Vs CAPS United FC Mandava Stadium 1500hrs

Tsholotsho FC Vs Mutare City Rovers FC White City Stadium 1500hrs

Chapungu FC Vs Chicken Inn FC Ascot Stadium 1500hrs

 Harare City FC Vs How Mine FC Rufaro Stadium 1500hrs

Ngezi Platinum Stars FC Vs ZPC Kariba FC Baobab Stadium 1500hrs

 

Svondo

Hwange FC Vs Bulawayo City FC Colliery Stadium 1500hrs

Highlanders FC Vs Triangle United FC Barbourfields Stadium 1500hrs

Dynamos FC Vs Border Strikers FC Rufaro Stadium 1500hrs

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×