Ndakabikwa ndikaibva: Hondoyedzomba

David ‘HD’ Hondoyedzomba
David ‘HD’ Hondoyedzomba

HD anoti anodzidza zvakawanda kubva kuvaimbi vakaita saJah Prayzah, Kireni Zulu, Suluman Chimbetu naProgress Chipfumo avo vanomusimudzira zvakanyanya.MUIMBI wemusambo weAfro-fusion nejazz, David ‘HD’ Hondoyedzomba, anoti kuita mashoo nevamwe vaimbi kuri kumubatsira zvikuru mukusimukira mumumhanzi sezvo ave kukwanisa kuzvimirira.

Muchinda uyu, uyo anotsigirwa nechikwata cheThe Blackways, anoti yasvika zvino nguva yekuti achirakidza nyika yose zvaakadzidza kubva kuvaimbi vakasiyana ava. HD anozivikanwa nenziyo dzinonetsa zvikuru idzo dzinosanganisira dzinoti Ndotsvaga wangu, Bhora mberi, Uncle Sam naBaba munenge rombe iyo yaakaimba naSuluman Chimbetu. Nziyo idzi dziri pamadambarefu maviri anoti Bhora Mberi naUncle Sam.

HD ishasha pakuimba nziyo dzekunze uye vamwe vatsigiri vake vanoti izwi rake rakada kufanana neraTracy Chapman.

“Rwendo rwangu kuti ndisvike pano rwange rakaoma asi ndinoda kutenda vaimbi vakasiyana vakamira neni vakanditsigira kuti ndisvike pandiri. Semuimbi, zvakaoma kuti utambirwe nevatsigiri asi ini ndinoona sekunge zvave kushanduka, mhanzi yangu iri kufarirwa zvikuru uye vamwe vaimbi vachiri kuramba vachida kushanda neni.

“Chishuwo changu kuti ndirambe ndichishanda nevaimbi vane mukurumbira vakaita saSulu, Jah Prayzah, Oliver Mtukudzi, Alick Macheso nevamwe kuti ndisimukire uye ndoda kuzoshandawo nevari kusimukira kuti ndivasimudzire,”  anodaro.

HD, uyo anozivikanwa zvakare saMr Bindura sezvo achibva kuBindura, ari mushishi kubika dambarefu rake rechitatu iro ane tarisiro yekuti richanakidza zvikuru.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×