Mutare Poly yokumba mibairo

Ray Bande —
KOREJI yeMutare Polytechnic iri kuramba ichisimukira munyaya dzedzidzo yepamusoro uye izvi zvinoratidzwa nekuwana kwairi kuita mibairo mikuru.

Koreji iyi nehutungamiriri hwayo yakawana mibairo yakadai seweOutstanding Public Service Leader of the Year Award newe2017 Zimbabwe National Chamber of Commerce (ZNCC) Entrepreneurship Award.

Pamusoro pezvo, Muzvare Poniso Watema – uyo vanova Principal weMutare Polytechnic – vakahwinha mubairo weWomen Leadership Excellence Academic Institution of the Year mumakwikwi a2017 Women Leadership Awards (WOLA).

Mubairo uyu vakautambidzwa neWomen’s Heritage Society Organisation yakabatana neZimbabwe Business Awards Council.

Vachitaura pachiitiko ichi munguva pfupi yadarika, Muzvare Watema vanoti uku kuzadzikiswa kwezviroto zvavo izvo zvakabvira vachiri vadiki.

“Ndinofara nekutenda mubairo wandakawaniswa weWomen’s Top Leadership Excellence Award uyo unotarisa kukosha kwedzidzo yepamusoro apo Mutare Polytechnic yakawaniswa mubairo weWomen Leadership Excellence Academic Institution of the Year.

‘‘Ndinozvikudza nekuti semudzimai wekutanga kuita principal apo makoreji mazhinji ari kutungamiririrwa nevanhurume, ndinonzwa manyuku-nyuku,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Rwendo rurefu rwunoda manyatera asi takasvika chete nekuti chiitiko ichi chaive chimwe chezvishuviro zvangu kubvira ndichiri mudiki.

‘‘Saka nhasi uno ndiri kuona kuzadzikiswa kwezvishuviro zvangu ndichitendwa mukugona kwatakaita sekoreji. Hongu, taisanganawo nematambudziko apo neapo asi taikwanisa kukunda zvichitipawo kushinga.”

Vanoti mubairo uyu wavapa hushingi pamwe nevamwe vavanoshanda navo.

“Ndinotenda zvikuru nemubairo uyu nekuti unotipa hushingi kuti tirambe takatarisa mberi zvichitibatsira kuti tigone kuzadzikisa zvishuviro zvedu, zvikuru mukuumba zvinhu zvine hunyanzvi zvinobatsira mukusimudzirwa kwemahindasitiri kuti tinge tichiwana mari zhinji. Muhutungamiriri hwangu, ndinoda kuona kuti vanasikana vaita zvidzidzo izvo zvinowanzoitwa nevanakomana seEngineering,” vanodaro Muzvare Watema.

Vanoti paMutare Polytechnic vanopa zvidzidzo zvinoita kuti vanhu vawane cheuviri kuburikidza nekuzvibatira mabasa nemawoko pachinzvimbo chekuti vazotsvaga mabasa.

Vanotenda zvikuru vadzidzi nevashandi vepaMutare Polytechnic nemushandirapamwe wavanoita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *