VEZVITORO zvinotengesa zvinhu zvinoshandiswa muzvikoro vanoti mwaka uno bhizimusi rakaderera nekuda kwekushomeka kwemari munyika izvo zviri kuita kuti vabereki vakundikane kutengera vana vavo mayunifomu emuchando nezvimwe nguva ichiripo.
Kwayedza yakaita ongororo muguta reHarare yezvitoro zvinotengesa zvechikoro semayunifomu, matirangi, mabhuku, masokisi nezvimwe ikaona vabereki vashomana vaitenga.
VaEvans Mangwiro, vanove director kukambani yeEnbee, vanoti bhizimusi rekutengesa mayunifomu rakaderera zvikuru nekuda kwekuti vanhu havana mari zvichikonzerwa nekushaikwa kwairi kuita kumabhanga.
“Kushaikwa kwemari kumakasitoma edu anombotitsigira makore ose kwaderedza kufamba kwakanaka kwemabhizimusi edu emayunifomu. Hongu, tinozivikanwa nekutengesa mayunifomu echikoro kwemakore akawanda uye muzvitoro zvedu takatogadzirira zvinodiwa zvese asi dambudziko remari ndiro ratidzorera shure.
“Zvakare, vatengesi vepanze vari kugara vakamomotera pazvitoro zvedu vachichingura vanoda kutenga, dzimwe dzenguva vanenge vachitotengesa zvinhu zvemuzvitoro zvedu zvinenge zvakabiwa nevamwe vashandi. Tinokumbira mapurisa kuti vavasunge asi pavanongodzokera vanosara vachidzoka, saka idambudziko guru,” vanodaro VaMangwiro.
Vanoti zvimwe zvitoro zvave kuramba kutengesa nemakadhi vachiti mari inogona kuzononoka kuunzwa kwavari kubva kumabhanga nokudaro zvitoro zvizhinji zvave kuda mari chaiyo pamberi.
“Senzira yekusimidzirawo vatengi vedu avo vari kuomerwa, takaderedza mitengo yezvinhu zvechikoro nechikamu che10%. Rimwe dambudziko riri kukanganisa mabhizimusi emayunofomu nderekuti misika yazara nezvinhu zvimwe chete uye vamwe vanonotenga kuSouth Africa kwazvakaderera mitengo saka ave makwikwi,” vanodaro.
Vanoti kambani yavo yakarasikirwa nemari inodarika $25 000 nekuda kwehumbavha hwaiitwa nevamwe vashandi, zvikuru avo vanoita mabasa ekutakura mayunifomu achibva kufakitori achienda muzvitoro, avo vavanoti vanoita madhiri nevatengesi vepanze.
“Ichokwadi kuti kune zvimwe zvinhu zvechikoro zvakanyorwa kuti Enbee yamunogona kuona ichitengeswa panze inenge yakabiwa. Vanotengesa nemari iri pasi kupinda yemuchitoro nekuti havana zvinovadhurira semitero uye ndezvekuba. Nyaya yekubiwa kwezvinhu zvedu ichiri kumatare edzimhosva,” vanodaro.
Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vabereki vaitengera vana vavo mayunifomu avo vanosanganisira Mai Lucia Khumalo vekuSunningadale 2.
“Ini ndauya kuzotengera vana hembe dzechikoro bedzi, zvimwe vachinazvo vanoshandisa izvozvo nekuti mari hakuna. Mashati ndangotenga nekuti muno muchitoro akaderera mutengo uye mari iri kunetsa kuwana kumabhanga. Tinotenda Mwari kana tikazowana yekubhadhara fizi,” vanodaro Mai Khumalo.
Vamwe vatengesi vepanze, avo vakaramba kudurwa mazita avo, vakatsinhira kuti kushomeka kwemari kuri kukanganisa basa ravo.
“Tanzwa nekumira pamisuwo yezvitoro asi hapana chiri kubuda. Hakuna vanhu, tinosiita mari yakawanda masvondo maviri ekutanga apo zvikoro zvinenge zvave kuvhurwa tichimira pamisuwo yezvitoro tichivabira makasitoma nekuti zvedu zvinenge zvakachipa. Asi rwendo rwuno tese tiri kuruza,” anodaro mumwe mudzimai aitengesa ari pamusuwo wechimwe chitoro mumugwagwa waLeopold Takawira.



