Tendai Gukutikwa
MUNYAYA inokahadzisa uye yakasiya imwe mhuri yekwaMutasa nevemunharaunda dzakapoteredza dzisina neremuromo, chitunha chemumwe mudzimai chinonzi chakaramba kukwana mubhokisi pane imwe kambani inovigwa vafi.
Chiitiko ichi chakazomanikidza mhuri yemushakabvu uyu kuti iite chivanhu muimba yekubikira kumusha kwavo, izvo zvakazoita kuti mutumbi uyu ukwane mubhokisi.
Izvi zvinotevera matambudziko akasiyana-siyana ayo anonzi ari kushungurudza mhuri yekwaSango inogara kwaMutasa.
Matambudziko aya anosanganisira kuparara kwewanano, kubatwa nezvirwere zvisina tsarukano nekutsakatika kwemumwe wemumhuri iyi, uyo aive sabhuku makore adarika.
Izvi zvaita kuti vemhuri yekwaSango vashandise zviuru nezviuru zvemadhora ekuUnited States vachienda kun’anga nemaporofita, vachitsvaga kubatsirwa.
Lennos Sango, uyo aive sabhuku, akatsakatika mumamiriro ezvinhu asina kujeka makumi emakore apfuura.
Dehenya rinofungidzirwa kuti musoro wake rakazoonekwa musango kwapera nguva yakareba, rikavigwa.
Kubva ipapo, vemhuri iyi vanoti vakatarisana nemutorododo wematambudziko.
Izvi zvakaita kuti nguva yadarika vapotere kudare raMambo Mutasa, vachida kupihwa mutongo unomanikidza baba vavo, vanove musarapavana, Clava Sango, kuti vafambe vose kun’anga, vagadzirise matambudziko avari kusangana navo.
Asi Clava, uyo akatora utungamiriri hwekuve sabhuku mushure mekutsakatika kwaLennos, anoti ari kupomerwa kuti ndiye honzeri yematambudziko akatarisana nemhuri yekwaSango.
Achipa umboo mudare raMambo Mutasa, Clava akarondedzera mafambiro akaita zvinhu, kusanganisira nyaya yemutumbi wemwana wemukoma wake uyo wakaramba kukwana mubhokisi.
“Mwana wemukoma wangu, uyo akanga akaroorwa, akadzoswa kumba nemurume wake, achiti akanga asinganzwi zvakanaka. Akazoshaya, asi mutumbi wake wakatadza kupinda mubhokisi, zvinove zvakatishungurudza zvakanyanya,” anodaro.
Clava akatsanangura kuti akarayirwa kuti aite chivanhu pachikuva muimba yekubikira yaamai vacho senzira yekukumbira kuti mutumbi uyu ukwane mubhokisi
“Pashure pacho, mutumbi uyu wakazokwana mubhokisi,” anodaro.
Clava anoti vakazofamba semhuri vachitsvaga rubatsiro kune rimwe godobori rinonzi Shingirai Mukotsanjera, zvinova zvakakonzera kuti vapesane zvakanyanya.
“Takashevedza imwe n’anga, iyo yakatiudza kuti ndakanga ndakagarwa nemweya wemukoma wangu uye yakatibhadharisa US$2 700 yekubvunzira,” anodaro Clava.
Anoti zvakataurwa nen’anga iyi zvakakonzera kuti vasawirirane semhuri sezvo vamwe vave kufunga kuti ane chokuita nekutsakatika kwemukoma wake.
“Mhuri yose yakatadza kunzwisisa mashoko en’anga iyi, vachiti zvinoreva kuti ndaiva nechekuita nekushaikwa kwemukoma wangu. Ini ndakazvinzwisisa neimwe nzira, kuti semukuru wemhuri, ndakanga ndagara nhaka yemutoro wematambudziko akatarisana nemhuri, kusanganisira nyaya dzepamweya,” anodaro, achiwedzera kuti zvinhu zvakatonyanya kuipa apo n’anga iyi yakati inoda imwe US$4 000 kuti ivachenure.
Makakatanwa aya mudare raMambo Mutasa akaita kuti dzimwe nhengo dzemhuri iyi dzikumbire mutongo wokuti Clava abatane navo mukufamba kun’anga kuti vagadzirise matambudziko avari kusangana nawo.
VekwaSango vanoti vari kunetsekana nematambudziko akawanda asingatsananguriki, anosanganisira kuparara kwewanano, kurwara uye kutsakatika kusinganzwisisiki kwenhengo yemumhuri yavo.
Clava akatsanangura kuti akatora mutoro wemhuri zvichitevera kushaika kwemukoma wake, Lennos, makore anopfuura gumi adarika.
“Ava ndivo vana vemukoma wangu mushakabvu. Ini ndini ndasara ndiri baba vavo,” anodaro.
Clava akarondedzera zvakaitika pakushaikwa kwemukoma wake.
“Pausiku hwaakashaikwa, mudzimai wake akauya kwandiri pakati pousiku achiti vakatadza kunzwisisana nemurume wake, akabva abva pamba. Takamumirira kuti adzoke asi haana kuzombodzoka,” anodaro Clava.
“Takamutsvaga kwose kwose asi hatina kumuwana, ndipo pakazoonekwa dehenya nemumwe muvhimi musango, iro ratakafungidzira kuti musoro wake. Pakave nefungidziro zvakare yokuti akange azviuraya, ndokubva taviga dehenya iroro. Zvisinei, nyaya iyi yakaramba ichitishungurudza,” anodaro Clava.
Anoti mushure mekuvigwa kwedehenya iri ndipo pakabva patanga zvinhu kuita manyama amire nerongo mumhuri iyi.
Akaudza dare kuti kunetsa kwemari kwaita kuti, semhuri, vatadze kuenderera mberi nekugadzirisa matambudziko avakatarisana nawo.
“Tiri kuda kutsvaga mari iyi, as tisati tafambira mberi zvine musoro, ndakatozoshamisika ndashevedzwa kudare rino. Tiri kunetseka kuunganidza mari iri kudiwa, asi ivo vachifunga kuti ndini ndiri kunonoka kuti zvinhu zvifambe,” anodaro Clava.
Zvisinei, vechidiki vemumhuri yekwaSango vakapikisa nezvaitaurwa naClava, vachimupomera mhosva yekutadza kuita zvinhu nechimbichimbi.
Mumwe wevana vemukoma wake, Paul Sango, anoti mhuri yakatora matanho ekugadzirisa nyaya iyi.
“Dambudziko riripo nderokuti babamudiki vanoramba vachinzvenga-nzvenga. Tinoda kuenderera mberi nekuenda kun’anga kuti tinzwisise zviri kuitika mumhuri medu, asi havasi kutora matanho,” anodaro Paul.
“Tiri kusangana nematambudziko akawanda. Dzimwe hanzvadzi dzedu dzakaroorwa dziri kudzorwa kumba nevarume vavo, zvinogara zvichinetsa zvatisinganzwisisi. Hatisi kuvapomera mhosva yekukonzera matambudziko aya, asi semukuru wemhuri ndivo vane basa rekutungamira urongwa uhwu,” anodaro.
Paul anoenderera mberi achiti: “Pose patinovabvunza nezvekufambira mberi, vanotipa zvikonzero kana kuti vanotiudza kuti timbomira.”
Dzimwe nhengo dzemhuri dzakatsinhirawo zvimwe chetezvo, dzichikurudzira dare kuti ripindire uye kuti rigadzirise nyaya iyi.
Mambo Mutasa vakaudza vemhuri iyi kuti vabatane mukugadzirisa matambudziko avakatarisana nawo, kwete kuisa mutoro pamunhu mumwe chete.
“Munofanira kunoona n’anga semhuri kuti pave nekubudirana pachena nekunzwisisana pakati penyu mose. Hapana anofanira kusiiwa muhurongwa uhwu,” vanodaro Mambo Mutasa.
Kutongwa kwenyaya iyi kwakambomiswa kuitira kuti vemhuri iyi vawane nguva yekuenda kun’anga pamwe chete, vozodzoka kudare nemhinduro.



