Mutunga Dzose riri kuita $1

Leonard Zhakata
Leonard Zhakata

MUIMBI ane mukurumbira, “baba” vemusambo weZora Music – Leonard Zhakata – akabvumirana nekambani huru yezvenhau yeZimpapers, kuti itengese dambarefu rake idzva rinonzi Mutunga Dzose iro raachaparura neChishanu chino.Vanotengesa mapepanhau eZimpapers vachange vachitengesawo dambarefu iri.

Izvi zvichaita kuti vanhu vanofarira musambo weZora Music vakwanise kuwana dambarefu iri kunzvimbo dzakawanda dzenyika.

Izvi zvinotarisirwawo kuderedza dambudziko rekutengeswa kwemimhanzi yemuimbi uyu pamusika wemukoto.

Zhakata anoti dambarefu rake idzva iri richatengeswa ne$1.

“Dambarefu iri rine dzidziso yakadzama isingafanirwe kushaikwa nevanhu, saka nemutengo uyu wakaderera,” anodaro.

Dambarefu iri, rinove rechi21, richaparurwa kuHarare International Conference Centre apo Zhakata achange achitsigirwa nevambi vanoti Alick Macheso, Suluman Chimbetu, Peter Moyo pamwe naTinashe Magacha.

Richawanikwa kunzvimbo dzinotengeswa mapepanhau eZimpapers kumativi ose enyika kusanganisira muHarare, Kwekwe, Redcliffe, Bindura, Rushinga, Bulawayo, Mutare, Masvingo, Chimhanda nekumwe.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *