— Mutupo —

HUMBA NYANGURU

Maita chiunga
Maita humba,Mwana waMakombe, Chomera,
Maita Nguruve, Mutakurwa.
Zvaitwa tateguru wangu Makombe,
Maita waDukudza ari Jekacheka.
Maita Chirema,
Chirimanemuromo,
Mapadza aripo,
Asi muchiapa veranda.
Maita vari Barwe, Gwindingwi guru
Vanodzura imba nematope
Muno muromo unenge gombe rokucheresa mvura
Zvaitwa Nyanguru,
Makapedza rudzi rwavamwe nenyuchi
Maita VaKarota,
Zvaonekwa Rima,
Tatenda VaChevakaranga naChibonoyo.
Zvaitwa waGosa,
Mwana wazunzangara,
Maita vari Karomakapuwe.
Tinotenda vari matitima.
Kuna Nyakadese kuna Zambezi.
Aiwa zvaitwa mwana waMatope.
Zvaonekwa Nyanguru.
Zvaonekwa Humba.
Nguruve, Chitambanamatope.

A C Hodza (mushakabvu) (Department of African Languages: UZ)

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *