St. Angela Academy haisarudzi vadzidzi

CHIKORO cheSt. Angela Academy icho chiri kuBorrowdale, muHarare chinotangira paForm 1 kusvika Form 6 uye chine bhodhingi yevakomana nevasikana.Chikoro ichi ndechemarudzi ose sezvo chiine vadzidzi vanosanganisira vechitema, vachena nevechiIndia.

Vanasikana vanoda kugara pachikoro semabhodha vanogara kubva Muvhuro kusvika Chishanu vozoenda kumba Mugovera kusvikira Svondo. Izvi zvinovapa mukana wekudzidza murunyararo.

Vadzidzi vanenge vari vashoma mukirasi vasingapfuuri gumi kuitira kuti vawane nguva yekunyatsobatsirwa nevadzidzisi vavo.

PaSt. Angela Academy pane library, laboratory necomputer room.

Vana vanodzidziswa sirabhasi yeCambridge uye vanoita mitambo yakasiyana — siyana inosanganisira basketball, gorofu, makwikwi ekumhanya netennis.

Pamusoro pezvo, vana vanodzidziswawo kuita mabasa etsitsi saka vanoenda kunzvimbo dzinochengeterwa nherera nevakwegura dzakaita seEmerald Hill, St. Joseph neDandaro vachinobatsira muine zvakasiyana. St. Angela inodzidzisawo vana zvechitendero nekunamata.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *