Jedinak, Mutch votengeswa

CRYSTAL Palace iri kuda chaizvo kutengesa vatambi vavo vaviri vanoti Mile Jedinak naJordon Mutch zvichitevera kutengesa kwavakaita mubati wavo wepagedhi Alex McCarthy kuSouthampton.

Mutch uyo akauya kuSelhurst Park achibva kuQueens Park Rangers mwaka wadarika, akanwisa mumutambo wavo wehushamwari apo vakakunda Colchester, asi ari kutatarika zvikuru kuchikwata ichi.

Chizvarwa chekuAustralia, Jedinak, akauya kuchikwata ichi mugore ra2011 uye asarirwa negore rimwe chete pakondirakiti yake.

Mutch asarirwawo nemakore matatu pakondirakiti yake kuPalace.

McCarthy akasayina kondirakiti yemakore matatu kumaSaints zvichitevera chibvumirano chezvikwata zviviri izvi chekumutengesa ne£4 miriyoni uye achange achirwira jezi nemubati weEngland, Fraser Forster, kuSt Mary’s.

Palace iri kuzvipira kutengesa mutambi wavo wainodisisa Wilfried Zaha hunge pakaita chikwata chingade kumutenga ne£25m.

Mutambi uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, haana kutamba nhabvu inodakadza paakambotengwa neManchester United nemari inosvika £15m achibva kuPalace mugore ra2013 izvo zvakazomutuma kudzokera.

Mwaka wadarika, akatamba nhabvu inonwisa mvura zvakamuona achitamba mitambo 43 ndokunwisa kashanu mumitambo yePremier League uye ndokupinda mufanari yeFA Cup umo vakazokundwa 2-1 neUnited. — Daily Mail Football

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *