Mutyairi wekombi ochiona

Muchaneta Chimuka

MUTYAIRI wekombi wekutakura vanhu zvisina mvumo sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 (lockdown) ava kuzvidemba zvichitevera kusungwa kwakaitwa nemapurisa apo aive akatakura vanhu kuChitungwiza achienda navo muguta reHarare.

Artwell Mataruse (41) wepanhamba 14753 Hatcliffe, muHarare, akamiswa pamberi pemutongi Danana wedare reChitungwiza Magistrates Courts nemhosva yekutyora mutemo welockdown.

Mutongi Danana akamutemera chirango chekubvisa $5 000 uye kukundikana kwake kubhadhara faindi iyi achagara mujeri kwemazuva 40.
Muchuchisi Dzinduwa akaudza dare kuti nemusi wa17 Kubvumbi gore rino, Mataruse akanga achityaira kombi yerudzi rweToyota Hiace ine nhamba dzinoti ACT 5021 kuNew Chitungwiza pedyo neNyatsime apo akabatwa nemapurisa akatakura vanhu achida kupinda navo muguta reHarare.

Akatongwa pasi pechikamu chemutemo uri maringe nekuchengetedzwa kweutano hweveruzhinji (Contravening Section 4(2) as read with 4(6)n © of the Statutary Instrument 200/20 Public Health (Covid-19 Prevention, Containment and Treatment) (Venturing into Intercity Transport Bus During Lockdown).

Mataruse anobvuma mhosva yake

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×