Muzukuru oda kuurayira ambuya (60) imba yavo

Kingstone Mapupu

AMBUYA vane makore 60 okuberekwa vanogara kwaChigovanyika kuSt Marys, kuChitungwiza vanoti vashaiswa mufaro nemuzukuru wavo anotora zvinodhaka uyo anogara achivatukirira achiti vanofanirwa kufa kuitira kuti atore imba yavo.

Mbuya Alinesi Katiyo, avo vanova shirikadzi, vanoti vaoneswa nhamo nemuzukuru wavo anova mwana wemwanakomana, Zinedine Fombe (26).

“Muzukuru wangu chaiye mwana wemwana wangu mukomana, Zinedine Fombe, anondishungurudza nekundisandudzira imwe nguva ndichipunzika pasi achida kundirova. Anogara achindituka pose paanodzoka pamba achibva kunotora mbanje dzavo nemitoriro. Ndatambura ini, baba vaive murume wangu, Sekuru Cephas Fombe, vakashaika gore rakapera,” vanodaro Mbuya Katiyo.

Vanoti vakabereka vana vatanhatu, vanoti vasikana vatatu nevakomana vatatu panova pana baba vemuzukuru wavo ari kuvanetsa uyu.

Vanoti Zinedine ari kugara achitaura kuti ndiye muridzi wemba.

“Ari kugara achitaura kuti anoda kundiuraya kuti asare agare zvakanaka paimba yangu yandakavaka nemurume wangu. Anodira mvura muchimbuzi kuti tisakwanise kupinda nevamwe vazukuru vaviri vandinogara navo pano,” vanodaro Mbuya Katiyo.

Vanoenderera mberi vachiti: “Muzukuru uyu aishanda zvakanaka kune imwe kambani kuno kuChitungwiza achiita zvinhu zvake zvakanaka chose akatonditengera masofa nezvimwe. Zvakazongosanduka abuda basa ava kutora zvinodhaka izvi. Izvozvi anopenda imba nekobhura achiba

zvinhu pamba nekuunganidza matombo, akatosvika pakupwanya imwe imba.”

Vanoti Zinedine ari kupwanya midziyo yavo pamadiro pasina anomudzivisa sezvo vanogara nevamwe vana vanototyawo mukomana uyu.

“Akatanga nekupisa mbatya dzake sekuru vake vachiri vapenyu, kuzoshaika kwakaita sekuru akavasandudzira vakapunzika pasi ndokutyoka gumbo vakaenda kuchipatara uko vakanogara mwedzi miviri kusvikira vakazofa,” vanodaro Mbuya Katiyo.

Vanoti nyaya yekutyora kwaakaita sekuru vake gumbo vakazonofira kuchipatara, vakaivanza sehama kuitira kuti Zinedine asasungwe.

“Nyaya iyi takaivanza kuti tiisvitse kumapurisa kumumhan’arira tikanyepa kuti sekuru vakapunzika asi iye akavarova vakapunzika pasi ndokutyoka gumbo,” vanodaro Mbuya Katiyo.

Vanoti mwanakomana wavo aiva baba vaZinedine akashaika kare ndokumusiya naamai vake avo vanonzi vari kunyika yeSouth Africa.

“Mukomana uyu ndakamusiirwa naamai vake ari chindumurwa ndikamurera kusvikira akura, ndiye ava kundinetsa kudai?” vanodaro Mbuya Katiyo.

Vanoti vanogara vachimusungisa kumapurisa asi anodzoka zvakare kumba achisvikoenderera mberi nekuvashungurudza.

“Ndinogara ndiri kumapurisa nekuda kwenyaya yemukomana uyu tichimboenda kumatare edzimhosva uko anobvisiswa faindi achidzoka kumba osvikoenderera mberi nekundishungurudza. Imba yapera kupwanyiwa mahwindo uyewo ari kuramba kuti ndiise maroja,” vanodaro Mbuya Katiyo.

Vanoti vanoda kubatsirwa kuti muzukuru wavo uyu abviswe pamba pavo.

Zinedine akasvika pamba paambuya vake ndokuona Kwayedza iripo akabva atiza apo aiedza kutaurwa naye.

Zvakadai, Pastor Lisbern Tinashe Zimbiru (40) vechechi yeBread of Life International Ministries, avo vanoshanda nemasangano akasiyana kuChitungwiza, vanoti vanogara vachienda kunonunura Mbuya Katiyo vachida kurwiswa nemuzukuru wavo.

“Sechechi tinoshanda nemasangano akasiyana muno nedonzvo rekurwisana nekutorwa kwezvinodhaka. Ambuya ava vanogara vachiuya kwatiri tichibatsirana nekutaurawo nemukomana uyu, anoda kuendeswa kuRehabilitation Centre,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanokurudzira veruzhinji kumhan’ara kumapurisa vanhu vose vane katsika kekushandisa zvinodhaka pamwechete nevanozvitengesa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×