Muchaneta Chimuka
MURUME ane makore 22 okuberekwa wemubhuku raChiyangwa kwaMambo Mangwende, kwaMurewa wekubira sekuru vake US$900 ozvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti agare mujeri kwemwedzi mishanu izere.
Ronald Kwaramba akabatwa nemhosva yekubira sekuru vake VaGibson Kwaramba (87) vanova baba vababa vake apo akamiswa mudare reMurewa Magistrates Court.
Mutongi Muzvare Ropafadzo Dube vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mishanu izere.
Pamusoro pezvo, Ronald akanzi anofanirwa kuripira sekuru vake US$900 yaakavabira.
Paakabvunzwa mudare, Ronald akabvuma kuti akaba mari yasekuru vake achiti ainge asina kuishandisa zvisinei nekuti sekuru vake vaiti akashandisa mari iyi yose.
Muchichisi Muzvare Anesu Gwena akaudza dare kuti nomusi wa21 Kukadzi gore rino munguva dzemangwanani, Ronald akatora mukana wekuti sekuru vake vainge vamboenda kuimba yekubikira achibva anyahwaira achipinda muimba yavo yekurara.
Mumba umu maive makaturikwa bhachi rasekuru vake pahen’a nechekumadziro rinova raive nemari iyi.
Ronald akabva aba mari iyi ndokubuda mumba umu pasina akamuona.
Nomusi wa15 Nyamavhuvhu, sekuru vake vakatarisa mari yavo ndokuona isisimo ndokubva vaenda kunomhan’ara nyaya yekubirwa kwavo mari nemuzukuru wavo zvakaita kuti asungwe.
“Muzukuru wangu akandibira US$900 yangu yaive muhomwe rebhachi uye ndinovimba kuti akatoishandisa yese ikapera zvisinei nekuti ari kuti iye achinayo nekuti dai anga achinayo akatoibudisa paakasungwa,” vanodaro.
Ronald akatongwa nemhosva yehumbavha pasi pechikamu cheContravening Section 113(1) chemutemo weCriminal Law Codification Act Chapter 9:23.




