Muzvikoro moitwa madhirama

MITAMBO yakaita semadhirama yave kuzoitwa muzvikoro zvose zvepuraimari nesekondari sezvimwe zvidzidzo apo vana vanenge vachiverenga pamwe nekunyora pamusoro pazvo.
Nekuda kwedanho iri, zvikoro zviri kukurudzirwa kukoshesa mitambo yakadai sezvo vamwe vana vachikwanisa kuzowana raramo kubva mairi mune remangwana.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika naProvincial Education Director wekuMatebeleland South, Mai Thumisang Thabela, kumakwikwi emitambo anorongwa nesangano reNational Association of School Heads (Nash), emadhirama ayo akaitirwa pachikoro cheThekwane High, kuMatebeleland South.

“Tave kutanga zvidzidzo zvemadhirama muzvikoro zvose zvepuraimari nesekondari nedonzvo rekubatsira vana vane matarenda sezvo vamwe vachiwana raramo nazvo uye zvinosimudzira tsika nemagariro,” vakadaro Mai Thabela.

Makwikwi emadhirama aya aiva nedingindira rinoti: “Mwanasikana ngaasimudzirwe muraramo yake”.
Mai Thabela vakati madhirama ari kufambidzana neMellenium Development Goal number 3, iyo inokoshesa kusimudzirwa kwevanhukadzi munyika.

Vaiva vaongorori pamakwikwi aya vadzidzisi vepaMidlands State University pamwe neveIntwasa Theater Arts.
Chikoro cheGifford High, chekuBulawayo, ndicho chakakunda zvimwe zvose.

Zvikoro zvaikwikwidza zvakabva kumapurovhinzi akasiyana, uye zvaisanganisira Howard High yekuMashonaland Central, Mpopoma High yekuBulawayo, Moleli High iyo yaimirira Mashonaland West, Christ Ministries yaimirira Harare neChaplin High yekuMidlands.

Zvimwe ndezvinoti Empandeni High yekuMatebeleland South pamwe neChristian College neFatima High izvo zvaimirira Matebeleland North.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×