Varairidzi vatatu vakabviswa

VABEREKI nevadzidzisi vepaRutope Secondary School vakazoita musangano nemusi weChipiri svondo rino uyo wainge wakananga kupedza dambudziko revanasikana vaviri vemhuri imwe chete vanodzidza apa avo vanonzi vari kubatwa nemweya wemamhepo.
Sabhuku Chibaya, VaTirivapi Chibaya (80), vanoti musangano uyu wakafamba zvakanaka.

“Dambudziko remweya uri kubata vana ava idambudziko remubereki wese, saka takazosangana sevabereki nevadzidzisi nemusi weChipiri. Musangano uyu waitungamirirwa nakanzura wedu, VaChigodora, paivawo nevamwe vakuru venzvimbo,” vakadaro Sabhuku Chibaya.

Sachigaro wesangano rinomirira vabereki vepachikoro ichi, reSchool Development Committee, VaMark Mandundu, vanonziwo vakanga varipo.

Sabhuku Chibaya vanoti dambudziko revana ava richagadziriswa nevabereki vavo zvisinei kuti paiva nepfungwa dzaibva kuvabereki vazhinji, avo vaiti chikoro ichi chinofanira kuchenurwa.

“Nyaya yandinotenda semuridzi wemusha une chikoro chanetsa ichi ndeyekuti sevabereki, takawirirana kuti dambudziko iri harina akarikonzeresa, mweya inongouya uyewo tave kufara kuti vana vaviri ava vakadzoka kuchikoro. Vatauri vose pamusangano uyu vaikurudzira kushanda pamwe chete kwevanhu vose nebudiriro yechikoro pane kuti chiparadzwe nezvinhu zvakadai,” vakadaro.

Vakati danho guru rakazotorwa kubviswa kwevadzidzisi vatatu vakanongedzwa munyaya iyi anova mashoko avakati akaburitswa nemukuru wechikoro ichi, VaJoseph Mapira.

“Pamusangano uyu mukuru wechikoro akati vadzidzisi vatatu ava vakanga vasisadzoke asi imwe nyaya yakazoda kutitsamwisa yaiva yekuti zvidzidzo zvaiitiswa nematicha aya zvimbomiswa zvinova zvakaita kuti vabereki vakumbire mamwe maticha kuti ambofanoitisa zvidzidzo izvi kuchitsvagiwa kuti kuunzwe vamwe vatsva,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×