‘Mvura yechitunha mushonga’

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti mvura inogezeswa zvitunha inogona kushandiswa semishonga yekuromba mumabasa akasiyana anokonzera matambudziko kune vanenge vaishandisirwa.

VaBonface Katerere vekuUzumba, vanoti mvura inogezeswa zvitunha inoshandiswa mukushereketa.

“Munhu kana afa anofanirwa kuremekedzwa nekupihwa rukudzo. Zvino tinonzwa vamwe vanonzi vanoguma votora mvura yagezeswa zvitunha voshandisa mabasa asiriwo, sekuisira varume vavo mipfuhwira kuti vabva vapfava semunhu afa. Vamwe vanoishandisa kutora masimba evanhu vafa ava uye tinonzwawo kuti kune vamwe vanotengesa mvura iyi nemari zhinji,” vanodaro.

Vanoti vanhu vanoita izvi vanoshanda nen’anga dzinoshereketa.

Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanotiwo ivo sen’anga havakurudzire kushandiswa kwemishonga inosanganiswa nemvura inenge yagezeswa chitunha.

“Hatigone kutaura nemazita ezvipatara zvatakanzwa kuti kune vanhu vanoshanda mumamochari vanoita tsika yekutengesa mvura inenge yagezeswa zvitunha kana kuti yemumafiriji munenge muine zvitunha. Mvura iyi inogona kuremadza munhu, kuita dununu chairo,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti vamwe vanoshandisa mvura iyi kutandidzira mweya yevafi. “Kana mwana anga achigona muchikoro akapihwa kudya kune mvura yakagezeswa zvitunha kana kuinwa anoita dzimati chairo, hapana chaanozogona. Saka tichiti vana ngavasangodya kudzimba dzose-dzose, vanokuvadzwa,” vanodaro.

Sekuru Mutanga vanoti kune vamwe vanoshandisa mvura iyi kuroya kana kuisa muzvikwambo.

Vanoti kushandisa simba remunhu mutorwa akafa kutora ngozi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×