Varairidzi vakadzokera kumabasa

ZVIKORO zvakavhurwa nemusi weChipiri svondo rino pasina zvipingidzo panguva iyo mamwe masangano anomiririra vadzidzisi ainge ambokurudzira kuti vamwe varairidzi kuramwa mabasa.

Vabereki nevadzidzi nguva yadarika vange vasina kugadzikana nekuda kwemashoko ekuti kuchange kuine kuramwa kwemabasa kwevarairidzi avo vainzi vari kutsutsumwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Dzimwe nyaya dzinonzi dzainetsa dzinosanganisira kusabhadharwa kwemari dzemuhoro dzevarairidzi vanodarika 2 000 avo vakawanikwa vasiri pamabasa mushure meongororo yakaitwa neHurumende.

Munyori mukuru wesangano rinomiririra varairidzi, reZimbabwe Teachers Association (ZIMTA), VaJohn Mlilo, vakati havatsigire pfungwa yekuti vadzidzisi varamwe mabasa.

“Kune masangano ari kuronga kuramwa mabasa nekuda kwezvinhu zvavanoda kuti zvinge zvichigadziriswa mumashandiro evarairidzi. Asi isu sesangano, hatisati tasvika pachidanho ichocho nekuti tiri kushanda neHurumende kuti tinge tichigadzirisa matambudziko ari kusangana nevarairidzi mubasa ravo,” vakadaro.

“Bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari riri kutizivisa nezvesanduko dzose dziri kuitika, zvikuru panyaya yekuti kune nevarairidzi vanodarika 3 000 vasina kuwaniswa mari dzavo dzemuhoro.

“Pari zvino varairidzi ivava vakatopedza kugadzirisa magwaro avo vachitaura kwavakange vari panguva yakaitwa ongororo seumboo uye zvose izvi zviri kugadziriswa kuburikidza neCivil Service Commission.”

Mutungamiriri wesangano reProgressive Teachres Union of Zimbabwe (PTUZ), Dr Takavafira Zhou, vakarambawo mashoko ekuti varairidzi vangangoramwa mabasa ndokukurudzira Hurumende kuti itarise zvichemo zvevarairidzi nechimbi-chimbi.

“Hatina kumbotaura kuti tichange tichiramwa mabasa, tinoda kuti Hurumende igadzirise matambudziko ari kusanganikwa nawo nevarairidzi kuitira kuti tisazomanikidzwe kuramwa mabasa mukati metemu,” vakadaro.

Mumwedzi waKubvumbi, Hurumende yakaita chirongwa chekufamba ichiverenga vashandi vayo vakange vari pabasa senzira yekuongorora vaye vari kubhadharwa zvisinei nekuti vave nenguva refu vasiri pabasa.

Ongororo iyi yakaita kuti varairidzi vanodarika 2 000, avo vakawanikwa vasiri pamabasa, vashaye mari yavo yemuhoro. —Kwayedza/The Sunday Mail.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×