Mvura zhinji ine dutu yotarisirwa kunaya

Munyori weKwayedza 

ZIMBABWE iri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda inodzika pasi zvekusvika 50 mm iyo ichange ine dutu guru pamwe nemabhanan’ana kutanga musi weChitatu svondo rino kusvika neMugovera, sekuzivisa kwebazi reMeteorological Services Department (MSD).

MSD inoti mwando unodziya uri kubva nekuchamhembe pamwe chete nekumaodzanyemba kwenyika unotarisirwa kuunza mvura zhinji ine dutu guru pamwe chete nemabhanan’ana kunzvimbo dzakawanda.

“Mamiriro ezvinhu aya anoita kuti pave nenjodzi yemafashamu, kukanganisika pakufamba kwemotokari mumigwagwa izvo zvinoita kuti vatyairi vasaone zvakanaka nekudhirikira kwevhu, kunyanya kunzvimbo idzo mvura yagara ichinaya zvakanyanya,” inodaro MSD.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vangwarire njodzi yemafashamu, nzizi dzinenge dzakazara, miti inogona kudonhedzwa nedutu nematenga edzimba ayo anokwanisa kutakurwa nemhepo zvakare pamwe nekurohwa nemheni.

“Kana mvura ikapenya, pindai mumba kana mukati mechivakwa, musamire pasi pemiti kana pedyo nema‘pole’ kana chimwe chinhu. Kana mvura ichinaya, musashandise michina, regai kukwira motokari apo munenge muri pamhene dzakadai setarakita. Onai kuti hamuende panzvimbo dziri pamhene, mushandise pombi dzemvura kana kugeza uye musaende kunzvimbo dzakazara mvura,” inodaro MSD.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare vachiteerera yambiro inopihwa nebazi iri pamwe chete nechikamu chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika cheCivil Protection Unit (CPU).

PIX: MVURA zhinji iri kutarisirwa kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika zvokudzika pasi kusvika 50 mm iyo ichange ine dutu guru pamwe nemabhanan’ana svondo rino

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×