Mwana (11) ava neDiploma

Trymore Muvhawa
KAKOMANA kane makore 11 okuberekwa kakadadisa apo kakapedza zvidzidzo zveDiploma in Theological Studies ndokukunda vamwe vose vakaidzidza navo pakoreji yeAfrican Multinational for Christ College (AMFICC) iyo iri pasi pechechi yeZAOGA, kuWaterfalls, muHarare.

Praisegod Kiwiti (11) akakunda vamwe vadzidzi 490 pazvidzidzo izvi. Achitaura pamhemberero dzekupedza zvidzidzo nguva pfupi yadarika, Praisegod anoti anonzwa manyuku-nyuku zvikuru nekuda kwekubudirira kwaakaita kana achitarisa zera rake.

“Ndinotenda vabereki vangu avo vakandikurudzira kuti ndipinde muzvidzidzo izvi, kunyanya amai vangu vairamba vachindishingisa nguva dzose apo ndainge ndave kuneta. Ndinoda zvakare kutenda vadzidzisi vangu nekusanditarisira pasi semwana mudiki pamwe nekukurudzira vose vezera rangu kuti tiitewo sevanhu vakuru.

“Zvazvinoreva ndezvekuti ndakura mushoko raShe nokudaro handifaniri kuita semunhu asati aziva Mwari,” anodaro Praisegod.

Vachitaura pagungano rimwe chete, VaJoel Guti, vanove international director of studies muchechi yeZAOGA vanoti vanofara zvikuru nekuona mwana wechidiki achipasa zvidzidzo zvakadai.

“Zvinofadza kuona mwana akadai achibudirira, zvazvinoreva ndezvekuti Kiwiti akatanga zvidzidzo izvi aina makore mapfumbamwe nekuti zvidzidzo zvedu ndezvemakore maviri,” vanodaro.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *