Zim yakatenga chibage

MUTUNGAMIRI wenyika President Mugabe vanoti kusvika pari zvino Zimbabwe yatenga matani echibage 300 000 kubva kunze kwenyika nedonzvo rekuti muZimbabwe muve nechikafu chinokwanirana.

Vachitaura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika (State of the Nation Address) mudare reParamende nemusi weChipiri svondo rino, President Mugabe vanoti varimi vakaendesawo chibage chinosvika matani 200 000 kudura renyika, reGrain Marketing Board.

Makambani akazvimirira ari kutsigirawo Hurumende nekutenga matani 25 000 kubva kunze kwenyika.

Pamusoro pezvo, vamwe vabatsiri vakavimbisa kupa Zimbabwe mari inosvika US$360 miriyoni yekutenga chibage kunze kwenyika.

“Ndinoda kutenda makambani akazvimirira nevamwe vabatsiri munyaya dzebudiriro nekushanda kwavari kuita pamwe chete neHurumende mukuona kuti veruzhinji vawana zvekudya zvakakwana,” vanodaro President Mugabe.

Hurumende, vanodaro, yakavamba chirongwa chekusimudzira kurima munyika, cheCommand Agriculture, icho chinotarisirwa kupa goho rematani 2 miriyoni nechinangwa chekuti nyika ive nemaguta.

Vanoti kunze kwazvo, vamwe varimi 800 000 vekumaruwa vari kubatsirwa nezvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Inputs Support Scheme.

“Chinangwa chedu ndechekusimudzira nyaya dzekurima kuitira kuti tive nezvekudya zvinokwanirana senyika,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuvandudza kurimwa kwedonje munyika uye ichabatsira varimi nezvekushandisa mumwaka miviri iri kutevera.

President Mugabe vanoti muchikamu chezvipfuyo, pane tarisiro huru yekusimukira kwacho sezvo Hurumende iri kushanda nemamwe mapoka akasiyana nedonzvo rekuti munyika muve nemukaka unokwanirana panosvika gore ra2020.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *