Mwana (13) akabuda mukanwa megarwe

Danisa Masuku

MWANA mukomana ane makore 13 okuberekwa anogara mubhuku raDick, kuHwange, anonzi kasvipwa negarwe rainge ramuruma gumbo mushure mekunge arwisana naro apo rakamubata achiraura hove mudhamu reKalope Dam.

Craighton Dube anoti apo airaura, garwe rakabva ramuruma asi haana kuvhunduka sezvo akatanga kurirwisa achiridzvanya mhuno yaro zvakasimba nemaoko.

“Nguva dzakange dzave kuma4 dzekumazuva rodoka apo takaenda kunoraura hove kudhamu neshamwari yangu. Takange taisa mambure mumvura.
“Ndakapinda mudhamu ndichifunga kuti mambure ainge abata hove asi paive negarwe pedyo nemambure aya. Handikwanise kutsanangura kuti rakasvika sei pandiri sezvo ndakangoona randiruma gumbo rangu rekuruboshwe,” anodaro.

Craighton anoti akarwisana negarwe iri kusvikira abata mhuno yaro nesimba.

“Kutaura chokwadi, yakange iri nyaya yeupenyu nerufu nekudaro ndakashinga ndokubva ndadzvanya mhuno yaro kusvikira randiregera. Ndinotenda Mwari nekundipa hushingi uhu nekuti chakave chishamiso kuti ndikwanise kurikurira.

Ndakasara ndava nemaronda ekurumwa negarwe iri pagumbo nemumaoko,” anodaro.

Craighton anoenderera mberi achiti, “Ndakanetseka kuti ndishambire kudzokera kumahombekombe kwedhamu apo garwe iri rainditevera zvishoma nezvishoma. Ndakazobuda mudhamu iri.”

Zvisinei, gumbo raakarumwa negarwe iri rakazodamburwa.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×