Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha maSabhuku Chanhanga, kwaChinorumba, mudunhu raMambo Nhema, kuZaka, kuMasvingo, inoti ichine kuvhunduka kukuru zvichitevera kurohwa kuri kuitwa mwanasikana wavo nevanhu vasingaonekwi, zvinove zvakakonzerawo kufa kwemumwe mwanakomana wavo gore radarika.
Blessing Tanamai (13) anonzi akafa muna Zvita gore rakapera apo aimhanya nekuridza mhere achiti airwiswa nemadzimai matatu, ayo aimutema nematombo akabata mapfumo.
Dambudziko rimwe chete iri rinonzi rapambira zvakare kune mumwe mwanasikana wemhuri iyi wemakore mashanu okuberekwa, anove gotwe.
VaJoseph Tanamai (48), vanove baba vemhuri iyi, vanoti mafambiro ezvinhu aya anotaridza kuti kune mabasa ehuroyi ari kuvatevera zvichikonzerwa nevavengi vavo.
“Kusamira kwezvinhu zvakanaka kwakatanga mukupera kwegore rakapera, mumwedzi waZvita, apo mwanakomana wedu Blessing Tanamai aiva naamai vake kumusha. Anonzi akabva kuchikoro achitaura kuti kune madzimai matatu, mumwe aive akapfeka helmet mumusoro, aimudzingirira akabata matombo, achida kumurova. Izvi zvakaenderera mberi kwemazuva, mwana achitosvika pakuzvivharira mumba nekutya,” vanodaro VaTanamai.
Vanoti mwana wavo uyu akazotaura kuti mumwe wemadzimai aya akange apinda mumba maaive aine pfumo, achiripotsera kwaari uye akabata musana wemumwe mudzimai.
“Ini ndakazobva kuHarare, amai vacho vakaenda naye kuJerera Satellite Clinic, ndokuzodarikira naye kuMusiso Hospital, uko vanachiremba vakaedza zvose zvavaikwanisa kuita pasina chaibatsira. Takazomupihwa kuti tiedze kuenda naye kuchivanhu, uko takataurirwa kuti taiva tatangirwa kare,” vanodaro VaTanamai.
Vanoti panguva yaaiva ari muchipatara kudaro, madzimai aya aiuya kwaari, izvo zvainzi nemaporofita navanachiremba vechivanhu vaiva varoyi vaimutevera kuchipatara ikoko.
“Mwana uyu akazoshaika ari kuMusiso Hospital nomusi wa8 Zvita gore rakapera, tikazomuviga nomusi wa10 Zvita,” vanodaro VaTanamai.
Vanoti panhamo yake kune dzimwe hama dzepedyo dzakanga dzave kuita zvemanjuzu, dzikaenda kunotenga doro remasese nefodya, dzichidira pamusha, zvichinzi iyi yaive nzira yekumutsa mweya wemufi.
“Ichokwadi kuti mwana uyu anonzi akauraiwa nechikonzero chokuti aiva nyanzvi pachikoro chaaipinda. Dzimwe hama dzakatanga kuita chivanhu chemanjuzu, pakatengwa doro remasese, iro raimwaiwa pachivanze nepaguva, kusanganisirawo fodya yebute, izvo zvainzi ndiko kwaiva kumutsa mweya wemufi uyu,” vanodaro VaTanamai.
Mushure mokunge mwana uyu avigwa, vanoti kurinda rake kwakazowanikwa kwakacherwa. Vanoti nokuda kwemamiriro ezvinhu aya, vakabva vapesana nemudzimai wavo, Muzvare Joice Mathuwa (46), vachibva varambana.
Vanoti mudzimai wavo akabva adzokera kumusha kwake kwaRusape.
“Nemudzimai uyu takabva tatanga kunetsana, tichipomerana zvakasiyana-siyana kusvikira ini ndaramba mudzimai uyu, ndikasara nevana, avo ndave kugara navo muHarare. Takasiya tapfiga dzimba,” vanodaro VaTanamai.
Zvakadai, vanoti mwana wavo musikana, anove gotwe, ane mweya wave kumubata zvakare sezvo anorotomoka achitaura kuti kune madzimai ari kumutevera.
“Mwana uyu anoti kune madzimai ari kumutevera, achimubvunza kuti wakauirei kuno kuHarare, uye achiti ngatidzokerei kumusha. Mwana uyu anobva atanga kuridza mhere, achiti ari kuona vanhu ava. Izvi zvave kuita kuti titye kuti varoyi vaye vakauraya mukomana mukuru vatitevera kuno kuHopley, muHarare, kwatinogara,” vanodaro VaTanamai.
Vanoti vari kuronga kuisa dombo paguva remwana wavo muna Nyamavhuvhu gore rino.
“Chipoko chemukomana wekushaya uyu chaionekwa mumba maakafira mazuva mashoma achangoshaika, izvo zvakatishamisa kuti sei zvaidaro. Ndinodawo kubatsirwa nokuda kwemweya wave kutevera mwanasikana wangu uyu sezvo unogona kumuuraya zvakare,” vanodaro VaTanamai.
Aimbove mudzimai wavo, Muzvare Joice Mathuwa, paakaridzirwa nhare aisadavira kusvikira pakubuditswa kwenyaya ino.
Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba, vemuHarare, vanoti mhuri iyi inogona kunge iri kurondwa nevanhu vanoshereketa kuburikidza nekuita mabasa ehuroyi, nokudaro inoda kubatsirwa nekukasira.




