Mwana (2) afa achinatiriswa zumbani

Muchaneta Chimuka

MWANAKOMANA ane makore maviri ekuberekwa akafa mushure mekutsva nemvura inopisa apo ainatiriswa mashizha ezumbani naamai vake senzira  yekupedza chikosoro icho aive nacho kuBeatrice.

Kunatira kufukira mvura inodziya uchifema hutsi hwacho.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

Vanoti yakaitika nomusi wa15 Nyamavhuvhu paFresney Farm kuBeatrice.

“Zvakaitika ndezvekuti, amai nyakubereka mwana uyu, avo vanonzi Georgina Chakaza (30), vanoti vakanga vari kunatirisa mwana wavo, Dylan Chakaza (2), nemvura inopisa yakasangana nezumbani yaive mudhishi repurasitiki vachiedza kubatsira mwana wavo uyo vanoti akanga aine dambudziko rechikosoro. Pavakanga vari mugumbeze vachinatira, vanoti mwana uyu akabata mvura inopisa achibva atsva ruoko rwake rwerudyi pamwe nepahuro kurutivi rwumwe chete,” vanodaro.

Insp Chazovachiyi vanoti amai vemwana uyu vakabva vamhanya naye paBeatrice Hospital apo vakasvikoziviswa kuti akange atofa.

Pazuva rimwe chete, munguva dzemanheru (2100hrs), nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa.

Mapurisa akabva aenda kuchipatara ichi kunoita ongororo. “Muzuva rakatevera nomusi wa16, mudzimai uyu akabva azomiswa pamberi pemutongi wedare reBeatrice Magistrates Court, Sharon Nxongo, pamwe nemuchuchisi Bart Makunga uko ari kutongwa nemhosva yehumhondi,” vanodaro.

Chakaza ari kutarisirwa kudzoka kudare nomusi wa29 Nyamavhuvhu.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vange vachingwarira zvikuru apo vanenge vachishandisa mvura zvisinei nekuti ine huwandu hupi nekuti inogona kukuvadza kana kutora hupenyu hwemunhu. Mvura inogona kukuvadza ingava inopisa kana inotonhora saka inoda kuchenjererwa, seapa  takatorasikirwa nehupenyu hwemwana,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *