Mwana akabiwa akazowanikwa mushure memakore 10

Kingstone Mapupu

MURUME nemudzimai wake, vekuChitungwiza, avo vakabirwa mwanakomana wavo ari kasvava, uyo akazowanikwa kwapera makore gumi, vanoti zvakakosha kuti vabereki vachengetedze vana vavo pose pavanenge vari.

Mwana uyu akabiwa aine masvondo matatu okuberekwa mugore ra2013, ndokuzowanikwa muna 2022. Akazosanganiswa nevabereki vake muna 2023.

Dambudziko rekubirwa mwana iri rakasangana naVaTichaona Chako (38) nemudzimai wavo, Mai Natasha Chikwanha (32), apo mukadzi uyu akange aenda kuSally Mugabe Central Hospital uko ainorapwa, kwapera masvondo matatu abva mukusununguka mwana nemusi wa21 Chivabvu mugore ra2013.

Murume nemudzimai ava vakapa nhoroondo inorwadza svondo rakapera apo vaive kuMurisa Park, kuChitungwiza, kwavari kugara.

Vanoti vakange vapererwa nemazano nokuda kwekushaya mwana wavo, kusvikira azowanikwa mushure memakore gumi.

Mwana uyu akabiwa nemumwe mukadzi mushure mekuvhevhetedza Mai Chikwanha apo vakasangana kuSally Mugabe Central Hospital.

Vakazoenda vose muguta reHarare, apo Mai Chikwanha vakanzvengwa nemukadzi uyu paGulf Complex apo vainge vaenda kunotenga zvokudya. Pakudzoka, vakawana mukadzi uya nemwana wavo vasisipo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mudzimai akaba mwana uyu akatomiswa mudare redzimhosva, ndokupihwa chirango chake chekugara mujeri.

Mwanakoma wekubiwa uyu, uyo ave nemakore 12 okuberekwa, akazowanikwa mugore ra2022, apo mudzimai aive amuba akange ave kugara kwaRusape.

Nyaya iyi yakazobuda pachena apo mudzimai uyu akanetsana nemurume wake nokuda kwemapepa ekuchipatara ekuti vatorese mwana uyu nemumwe waaive aba zvakare magwaro ekuzvarwa.

Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa, mudzimai uyu ndokusungwa. Pari zvino achiri mujeri.

“Amai vakaenda vakanosununguka kuChitungwiza Central Hospital mumwedzi waChikumi mugore ra2013 pamuviri pakwana. Vakazogara masvondo matatu mwana asunungukwa, muviri wavo ndokutanga kurwadza, vachizarirwa, sezvo mwana akasunungukwa ari muhombe. Vakaenda kuZengeza 3 Clinic, kuChitungwiza, vakazodarikidzwa kuSally Mugabe Central Hospital, uko vakanzi vaida kuongororwa chirwere cheasthma nanachiremba,” vanodaro VaChako.

Vanoti mudzimai wavo akarapwa, ndokubuda, akanorara panze, pedyo nepaRed Cross, pachipatara ichi, apo akazovingwa nemumwe mukadzi achiti aidawo kuona mumwe murwere waakati yaive hama yake, apo vakataura vose. Akataurawo kuti aibva kuUnit M, kuChitungwiza.

“Mukadzi uyu akavhevhetedza mudzimai wangu, ndokumutakurira mwana, vakaenda vose muguta reHarare. Vakakwira kombi kunosvika paGulf Complex, apo mudzimai wangu akapihwa US$2 yokunzi anotenge kudya. Akaenda, ndokusiya amai ava vaine mwana, anove iwo mabirwo akaitwa mwana uyu,” vanodaro VaChako.

Vanoti mudzimai wavo akadzoka, ndokuwana mukadzi uyu nemwana yave nzvimbo. Ndipo pavakazoridzirwa nhare, vachiudzwa kuti mwana ainge abiwa.

Vakaenda kwaive nemudzimai wavo, ndokumuwana ave nemapurisa.

“Ndakanetsana nemudzimai nokuda kwenyaya iyi, ndichifunga kuti dzimwe nguva aive atengesa mwana, tikatopotsa tarambana. Hapana n’anga nemaporofita atakasiya munyika muno, uko tainyeperewa zvemhando yepamusoro. Takatengesa mombe nemidziyo yose, kusara tisisina chinhu. Mapurisa akaita basa rawo, mwana wangu akawanikwa mugore ra2022 ari mutano pamwe chete nemumwewo akange abiwa naamai vamwe chete ava,” vanodaro VaChako.

Murume uyu anoti vakasara vakaita vamwe vana vaviri mwana wavo uyu asipo. Akazosvikobatanidzwa nemhuri muna 2023 uye pari zvino ave kuita Grade 6.

“Bhindauko rangu randaiita rekuhodha ndichitengesa rakabhuroka nokuda kwenyaya iyi. Kudzoserwa mwana kwakatora nguva sezvo akambotorwa nebazi reSocial Welfare, tichinomuona ariko, tikazoitwa maDNA test, zvikazoonekwa kuti mwana aive wedu, tikazomupihwa. Ndinokurudzira kuti madzimai nanababa tichengetedze vana vedu kwose kwatiri,” vanodaro VaChako.

Mai Chikwanha vanoti kubiwa kwakaitwa mwana wavo havana kunge vakufungira sezvo vaiona mudzimai uyu sokunge aive netsitsi navo nekurwara kwavaiita.

“Mwana abiwa kudaro, ndakave nenguva yakaoma kubva kuna baba nehama dzavo, kusanganisirawo mapurisa, apo ndaifungirwa kuti ndakatengesa mwana. Mwana takazomupihwa mugore ra2023, awanikwa kubva kumudzimai akange amuba. Ndakaonda kusara ndave tsono nokuda kwenyaya iyi, tikatengesa midziyo yose yemumba kusvikira tagara pasi nababa,” vanodaro Mai Chikwanha.

Vanoti pavakashanyirwa nemapurisa vachitaurirwa kuti mwana wavo ainge awanikwa, vakaita sevanoona bhaisikopo.

“Mwana wedu takamudzoserwa nemusi wa20 Nyamavhuvhu mugore ra2023, kureva kuti tasvitsa makore maviri mwana adzoka. Kunze uko, ndinokurudzira madzimai kuti achengetedze vana kwose kwaanenge ari. Tinokumbirawo mari yokutanga upenyu hutsva, mwana wedu aende kuchikoro chakanaka. Patinogara kuMurisa Park ndepababamukuru,” vanodaro Mai Chikwanha.

Mhuri iyi ine mwana mukomana wokutanga ane mitezo isina kuita zvakanaka ane makore gumi nemana okuberekwa.

Vanoda kubatsira mhuri iyi, vanogona kuibata panhamba dzenhare dzinoti 0778 661 071 kana 0782 408 722.

 

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×