Mwana akaenda muromo parutivi

Tafadzwa Mutsotso —
MUDZIMAI wekuHonde Valley, kuManicaland, anoti anorwadziwa zvikuru nekunangwa huroyi kwaari kuitwa achinzi akaroya mumwe mwana zvikaita kuti muromo wake uende parutivi mushure mekunge atukana naye.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge Elina Kadora amhan’arira Loice Kurwaisimbi uyo anogara kuWarren Park, muHarare, achimupomera mhosva yekumupumha huroyi.

“Ini ndinogara kuHonde uye kuWarren Park ndinongokugara kana ndichinge ndauya kuno ndiine zvandinenge ndichitengesa. Amai ava handivazive, asi vakangomuka vachiuya kumusika kwangu mangwanani vakandituka vachiti ndiroyonore mwana wavo wandakabhendesa muromo,” akadaro.

Anoti nyaya yekunangwa huroyi iyi yakamurwadza zvikuru sezvo pasina zvaanoziva.

“Zvakandibata nekuti ini handina chandinoziva nezvekubhenda kwakaita muromo wemwana wavo. Apa vakandituka pane vanhu zvekuti raini rose rave kungofunga kuti ndinoroya. Saka ndauya kuno kuti varege havo kutaura neni uye kana vaine umboo hwekuti ndini ndakaroya mwana wavo voratidza kudare,” akadaro Kadora.

Anoenderera mberi achiti: “Vakauya kubasa kwangu vakandiudza kuti pandakatukana nemwana wavo, mangwana acho ndipo paakamuka muromo wave padivi. Vakanditi ndiite kuti muromo wemwana wavo upore.”

Kurwaisimba anoramba mashoko aKadora achiti manyepo.

“Ini ndakangosvika kumusika kwaamai ava ndichikumbira ruregerero nekuti mwana wangu akanga atukana navo nezuro wacho. Zvekuzoti ndakavati vanoroya uye ngavaroyonore mwana wangu wavakabhendesa muromo manyepo,” anodaro Kurwaisimba.

Mutongi Sharon Chipanga akapa Kadora gwaro rerunyararo.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×