Musaroverere Wenger: Silva

SHASHA yakambonetsa ichitambira Arsenal – Gilberto Silva – okurudzira vatambi vechikwata ichi kuti vabvume kuti havasi kutamba zvinogutsa pane kusiya murairidzi wavo, Arsene Wenger, achingoshoropodzwa ega.

Wenger ari panguva yakaoma parizvino nekuti vatsigiri vechikwata chake vari kuti ngaachibva kuEmirates, izvo zvakaonekwa vachirakidza kugunun’una kwavo pamitambo yeBayern Munich neLincoln.

Asi Gilberto – uyo aive muchikwata cheArsenal chakanetsa zvikuru kusvika pakushevedzwa zita remadunhurirwa rekuti maInvincibles – anoti vatambi vanofanirwa kuramba vachivimba naWenger vomutsigira mumutambo uyu nekunze.

Achitaura nevatori venhau kuAustralia paiparurwa mutambo weConfederations Cup, chizvarwa chekuBrazil ichi chakati, “Vatambi vanofanirwa kuita zvakawanda. Vatambi vanofanirwa kuenda kudivi rake. Kwete pavanotamba chete asi kana pavanotaura naye.

“Hapana ari panguva iyi ega. Kana pane zvaikaitika zvikatadza kubuda zvakanaka, munhu wese aivepo zvichiitika. Saka vanhu vose vanofanirwa kuramba vakabatana.

“Zvasarira kuvatambi kuti vavimbe naye. Ndinoziva kuti hunyanzvi huripo. Wenger acharamba achivatsigira nekuti anoziva kuti vane tarenda.”

Pane kondirakiti yemakore maviri yakapihwa Wenger iyo yaasati asayina asi zviri kuzivikanwa kuti anogona kuisayina oramba ari kuchikwata ichi pane kubva. Zvisinei, ramangwana remurairidzi uyu richazorongwa naiye pamwe nechikwata ichi pachapera mwaka uno. – Daily Mail Football.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×