Mwana akafira mu’sink’

Kingstone Mapupu

MWANA wemakore mashanu ekuberekwa anonzi akatsitsirirwa ndokufa nemudhuri wesink waive wadhirika papurazi reRedan apo panonyanya kuzivikanwa nekunzi Kefalos mumugwagwa weHarare-Marirangwe-Mhondoro, kuBeatrice.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza vanotsinhira nezvetsaona iyi.

Vanoti Mercy Machona akafa mushure mekutsitsirwa nemudhuri wesink apo aitamba nevamwe.

“Mwana uyu aitamba nemukoma wake musikana wemakore masere uyewo neshamwari yavo musikana wemakore gumi pachivanze chepamba pavo mukomboni yepapurazi apa. Mercy Machona aiva akagara mukati mesink vamwe vake vachitamba vari pedyo. Mudhuri wesink iyi wakazongoerekana wadhirika ndokudzvanyirira mwana uyu pachipfuva.

“Fison Gadhi (39) wepapurazi iri akaona tsaona iyi ichiitika asi hapana zvaakakwanisa kubatsira nazvo sezvo mwana uyu akabva angofa,” vanodaro Insp Mwanza.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeZRP Gilstone Police Base.

“Mutumbi wemwana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza General Hospital kuti unoongororwa apo kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi. Tine hurombo zvikuru kuti takarasikirwa neupenyu hwemwana mutsaona iyi,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti pane fungidziro yekuti mudhuri wesink iyi wakadhirika nekuda kwekunaya kuri kuita mvura yakawanda.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×