‘Tiri kushandira mapurisa’

Kingstone Mapupu

VANHU vanotengesa zvinhu zvakasiyana kumusika wemabhazi weMbare, muguta reHarare, vanoti vaneta nekubhadhariswa mari dzechiokomuhomwe nemapurisa ekanzuru yeHarare vachivatorera zvinhu zvavo zvakare.

Kwayedza inoita hurukuro nevamwe vevanhu ava avo vari kutengesa zvinhu zvakasiyana zvisinei nekuti vanenge vachityora mitemo yekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) sezvo pari zvino veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba.

Obvious Kazamola (29) anogara mumusha weWaterfalls asi achizvishandira pamusika mukuru uyu, anoti vari kusevenzera mapurisa ekanzuru ayo anovatorera zvinhu zvavo nengoro dzavanoshandisa vachizodzidzoserwa vabhadhara mari yechiokomuhomwe.

“Tinozotengesa kuno kuMbare nekuda kwenzara, zvino zvave kuitika sesu tinoshandisa zvingoro, mapurisa ekanzuru vakakubata vanokuti kana uri mumusika umu unongonzi bhadhara US$5 yechiokomuhomwe woregwa uchienderera mberi nebasa rako. Asi ukaramba ngoro yako inotorwa yoendeswa kuCarter House uko unononzi ubhadhare US$10 yechiokomuhomwe zvakare uye ukabvisa wodzoserwa.

“Mari iyi haupihwe reciept yekuti wabhadhara faindi asi kuti inoenda muhomwe dzemapurisa aya,” anodaro Kazamola.

Anoenderera mberi: “Izvozvi ngoro yangu izere nemabanana yatorwa, asi ini ndosiiwa ndichienda. Ko kana vandisunga vanodii kuenda neni kunondivharira? Kureva kuti vanotora ngoro yangu nezvose zvandinotengesa vonogovana.

Obvious Kazamola

“Ngoro idzi dzikapedza zuva vanadzo vanodzitengesera vamwe vanhu kana kuti iwe muridzi wacho ukadzokera kwavari wawana mari vanokuti bhadhara US$20 yekudzikinura ngoro yako.”

Kazamola anoti vanozviziva kuti kutengesa kwavari kuita panguva ino kutyora mitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 asi nzara ndiyo iri kuvatuma kuita izvi.

Vamwe vanhu vakasvikirwa vachitorerwa ngoro dzavo nemapurisa ekanzuru vakatya kutaura neKwayedza nekuda kwenyaya iyi vachiti havazokwanisa kushanda zvakanaka munzvimbo iyi.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanokurudzira vanhu vari kubhadhariswa mari dzechiokomuhomwe nevashandi vekanzuru kuti vamhan’are kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP).

Michael Chideme

“Isu sekanzuru, hatikurudziri huwori kuvashandi vedu saka tinoti kune vanenge vaitirwa izvi, ngavamhan’are kumapurisa vanhu ava vasungwe. Asi zvakadaro, panguva ino tiri mulockdown vanhu vari kunzi vagare kudzimba uye mapurisa ane kodzero yekusunga vanoonekwa vachitengesa zvinhu zvisiri pamutemo,” vanodaro VaChideme.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×