‘Mwana akaguta anofarira chikoro’

Dr Utete-Masango
Dr Utete-Masango

MUNYORI mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti zvakakosha kuti vana vapihwe zvekudya muzvikoro kuitira kuti vadzidze zvakanaka uye vaine utano.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chekupa vana chikafu muzvikoro zvemuHarare, cheHome Grown School Feeding Programme (HGSFP), paTashinga Primary School, kuMabvuku nemusi weMuvhuro svondo rino, Dr Utete-Masango, vanoti vana havakwanise kudzidza zvakanaka kana vaine nzara.

“Utano hwevana vari muzvikoro hunofanira kuchengetedzwa, naizvozvo chirongwa chekuvapa chikafu ichi ndeimwe nzira bazi redu riri kushandisa mukuita izvi. Nyika zhinji pasi rose dziri kuita chirongwa ichi senzira yekuvandudza madzidziro evana pamwe chete nekukura kwavo vaine utano hwakanaka. Vana vanopedza nguva yavo zhinji vari kuchikoro naizvozvo panguva iyoyi vanofanira kudyawo chikafu chinovaka miviri,” vanodaro.

Dr Utete-Masango vanoti kupihwa kwevana chikafu muzvikoro hakubatsiri vavana chete asi kuti nevenharaunda dzakapoteredza kuburikidza nekurima zvakasiyana vachitengesera zvikoro.

Vana vakabva kuzvikoro zvakasiyana vari panguva yekudya pakuparurwa kwechirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro paTashinga Primary School kuMabvuku, muHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Justin Mutenda
Vana vakabva kuzvikoro zvakasiyana vari panguva yekudya pakuparurwa kwechirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro paTashinga Primary School kuMabvuku, muHarare svondo rapera. — Mufananidzo: Justin Mutenda

“Chikafu chinopihwa vana chinofanira kuva neutano hwakakwana naizvozvo kurudziro yedu kuzvikoro ndeyekuti vatenge chikafu chinorimwa nekugadzirwa muno. Kupa vana chikafu muzvikoro kunobatsirawo kuti vanokwanisa kudzidza nemazvo, vakasununguka uye zvinoitawo kuti vafarire kuchikoro. Vamwe vana vanorega kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya chekudya kumba pamwe chete nekuchikoro.”

Dr Utete-Masango vanoti kuti chirongwa ichi chifambe zvakanaka, panofanira kuve nematanho anotorwa ekuti chienderere mberi izvo zviri kugadziriswa neHurumende.

Zvikoro, vanodaro, zvinofanirawo kungwarira nyaya dzeutano kuti vana vasabatwa nezvirwere pakupihwa kwavo chikafu.

Vanotizve zvakakosha kuti zvikoro zvibatane nevemakambani nevamwe vemabhizimisi kuti chirongwa ichi chifambire mberi.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *