Zivai nezvechirwere che’chicken pox’

CHIRWERE che”chicken pox” chinokonzerwa neutachiona hunozoonekwa zviratidzo zvacho mushure memasvondo maviri kana matatu munhu achitapurirwa.

Chirwere ichi chinotapuriranwa mushure mekusangana nemunhu anacho uye chinoshaisa mufaro.

Sangano reWomen’s Action Group – kuburikidza nebhuku rarakadhindisa rinonzi Utano Hwako, Upenyu Hwako – rinoti zviratidzo zve”chichen pox” zvinosanganisira kukosora, kupindwa nechando nekurwadziwa nemudunbu.

Munhu ane chirwere ichi anoita mavara kana kuti twumapundu twutsvuku muviri wose twuchivava zvakanyanya.

Twumapundu utwu twunogona kunge twuine mvura sezvinoita munhu akatsva.

CHINODZIVIRWA SEI?

Chicken pox inogona kupera yoga.Kana marwadzo akanyanya, murwere anogona kutora mishonga inoderedza marwadzo yaanonyorerwa nemachiremba.

Murwere anokwanisa kufashaidza mvura okanda twusoda kuti mapundu asarwadze kana kuvava.

Mushure mekugeza, munhu ane chicken pox anofanira kuzora calamine lotion.

Zvakakosha kuti vana vagare vakachekwa nzara dzavo kuitira kudzivirira tsvina dzinotakura utachiwana.

Chicken pox inotapuriranwa nekukasika uye munhu anenge ambobatwa nechirwere ichi kashoma kuti chizomubata zvakare.

Vana vanogona kutapurirana chicken pox apo vanosangana mukutamba kana muzvikoro.

Kana pamba pachinge paine murwere wedenda iri, anofanira kuradzikwa mukamuri yake oga kuti asatapurire vamwe.

Vanhu vanokurudzirwa kuti vasashandisirane matauro, magumbeze kana zvipfeko senzira yekudzivirira kutapurirana chirwere ichi.

Kupera kwechirwere ichi kunoonekwa nekuoma kunoita mapundu, kazhinji kacho zvinotora svondo rimwe chete kana maviri kuti murwere apore.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *